Baba vane marambadoro voda kushinha nemwanasikana

10 Feb, 2025 - 10:02 0 Views
Baba vane marambadoro voda kushinha nemwanasikana Doro

Danisa Masuku

MURUME ane makore 44 okuberekwa wekuGreenhill, kuBulawayo akasungwa nemhosva yekubata-bata muviri wemwanasikana wake panguva iyo aikumbira kuti ashinhe naye.

Murume uyu, uyo zita rake risingakwanise kubudiswa senzira yekuchengetedza mumhan’ari, anonzi pazuva iri ainwa doro nemwanasikana wake ane makore 24 okuberekwa pamba pavo musi wa31 Ndira.

Vachiri kunwa doro, anonzi akatanga kuita zvisinganzwisisike, achipuruzira nekubata-bata muviri wake.

Murume uyu anonzi akazoudza mwanasikana wake kuti anoda kushinha naye asi akaramba.

Mwanasikana uyu akaridza mhere ndokutiza mumba achimhanyira kukamba yemapurisa kunomhan’ara baba vake.

Baba ava vakamutevera vachiedza kumumisa, asi zvakaramba. Akamhan’ara nyaya iyi zvakaita kuti vasungwe.

Murume uyu akamiswa pamberi pemutongi wedare rekuBulawayo, VaMax Ncube, achipomerwa mhosva yekushungurudza munhu zvine chekuita nebonde.

Haana kubvuma mhosva yake achiti mwanasikana wake akaruka nyaya iyi achida kusvibisa zita rake.

“Uyu mwanasikana wangu,” anodaro achizvidzivirira. “Handigoni kushinha naye, kuita kwakadaro hakutenderwe, chipini. Ari kugadzira nyaya iyi senzira yekuparadza zita rangu.”

Zvisinei, murume uyu akabvuma kuti vainwa doro kumba kwavo uye vakanga vakadhakwa nemusi uyu.

Kutongwa kwenyaya yake kuchaenderera mberi mazuva mashoma ari kutevera apo achange achibva kunze.

Share This:

Sponsored Links