Baba vanyeba kuti mwana afa

22 Apr, 2022 - 15:04 0 Views
Baba vanyeba kuti mwana afa

Kwayedza

Lovemore Kadzura

MURUME wekwaRusape asungwa mushure mekunyepa kuti mwanasikana wake afa achizama kuda kubira kambani yeEcoSure mari inosvika $150 000.

Esau Chara (50) wekuLongfield, kuHeadlands, uyo aimiririrwa negweta rake VaLeonard Chigadza vekambani yeChigadza and Associates, anobvuma mhosva yekuda kubira EcoSure $150 000 apo akamiswa mudare reRusape Magistrate Court svondo rapera.

VaChigadza vakaudza dare kuti Chara akapara mhosva iyi apo upenyu hwaive hwamuomera uye aizama kutsvaga mari yechikoro yevana vake, kusanganisira neuyo waakanyepa kuti ainge afa.

Gweta iri rakakumbirisa kudare kuti Chara asapihwe mutongo wekugara mujeri richiti musungwa uyu hapana chaakawana pahumbavha uhu sezvo zvakaonekwa asati apihwa mari yacho kuti ainge aita chitsotsi.

Mutongi Mai Anniah Ndiraya vakatemera Chara chirango chekugara mujeri kwemwedzi mitanhatu, ndokuzomubvisira mwedzi miviri nekuda kwehunhu hwakanaka.

Mimwe mwedzi mina yakazosendeka padivi paine chitsidzo chekuti Chara anofondoka pasina muripo kwemaawa 140 pachikoro cheNehumba Primary School.

Muchuchisi Mai Melissa Saide vanoudza dare kuti Chara akaendesa magwaro kuEcoSure airatidza kuti mwanasikana wake akanga ashaya. Pamagwaro aya, akange ajobera masiginecha ezvapupu.

“Mumhan’ari munyaya iyi iEconet Life iyo iri kumiririrwa naVaGift Zumbika vanova regional security and investigative officer. Musi wa13 Kukadzi 2022, munhu ari kupomerwa mhosva uyo ane policy yeEconet Life akaendesa fomu rekuzivisa nezverufu kuti agopihwa mari neEcoSure.

“Akaendesa tsamba yekuzivisa nezverufu uye gwaro rekuzvarwa kumahofisi eEconet Life achiti mwanasikana wake ashaya.

“Pakaitwa ongororo kumahofisi eEconet Life, zvikaonekwa kuti Chara akanga anyepa nyaya iyi ndokubva yamhan’arwa kumapurisa. Mukuferefetwa kwenyaya iyoyi, zvakabuda kuti musikana ainzi akanga afa ainge asina kufa sezvaitaurwa nababa vake,” vanodaro.

Zvakabuda zvakare mukuferefetwa kwenyaya iyi kuti Chara ainge ajobera masiginecha evafakazi.

“Izvi zvakazoona Chara achisungwa. Econet Life yakapotsa yarasikirwa nemari inosvika $150 000,” vanodaro Mai Saide.

Share This:

Sponsored Links