Baba vaponda mwana ane mwedzi 2

03 Dec, 2024 - 20:12 0 Views
Baba vaponda mwana ane mwedzi 2 Sergeant Major Samuel Chikasha

Kingstone Mapupu

MURUME wekwaMambo Negomo kwaNzvimbo, kuChiweshe — uyo airwisana nemudzimai wake aiva akabata mwana ane mwedzi miviri yekuberekwa mumaoko — akazorova mwana uyu mumusoro nehuni zvikazokonzera kuti afe apo aida kurova mukadzi wake.

Nyaya iyi yakaitika nemusi wa24 Mbudzi mumusha waSabhuku Kodzwa apo Tapiwa Masache (26) akarova mwanasikana wake nehuni iyi.

Sergeant Major Samuel Chikasha avo vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central vanotsinhira nyaya iyi.

Vanoti nemusi uyu, mudzimai waMasache, Natasha Phiri (19), aive ari pamba pavo akabata mwana mumaoko.

“Nenguva dza0900 hours, Tapiwa Masache akasvika pamba pavo apo aibva kudoro kwaakanga achinwa zvakadarikidza nevamwe vake. Mudzimai wake, Natasha Phiri, akamubvunza kuti demo raaiva abuda naro aiva arisiya kupi. Murume uyu haana kufadzwa nekubvunzwa uko akaitwa akabva atanga kumonyorora mutsipa waPhiri apo aive akabata mwana wavo, Martha Masache, mumaoko,” vanodaro Sgt Maj Chikasha.

Vanoti Masache akazonhonga chitsiga chehuni chaiva mumoto achida kurovesa nacho Phiri apo akabva amupotsa ndokunorova mwana uyu kamwechete mumusoro achibva angofenda pakarepo.

“Tapiwa Masache paakaona kuti aiva akuvadza mwanasikana wake uyu, akabva arongedza mbatya dzake mubhegi achibva atiza pamusha apa achienda kusina anoziva,” vanodaro Sgt Maj Chikasha.

Phiri akazotakura mwana uyu kuenda naye kuchipatara cheHoward Hospital kuGlendale kuti anorapwa uko vakazotaurirwa kuti akanga afa achangotanga kurapwa.

“Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa eZRP Glendale vakabva vauya pachiitiko ichi ndokutadza kuwana mupari wemhosva uyu sezvo akange atiza. Semapurisa, tiri kumutsvaga nekuda kwemhosva yekuponda mwana iyi,” vanodaro Sgt Maj Chikasha.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vatsvage vayananisi kana vachinge vatadza kunzwanana mukugara kwavo.

“Vanhu vanofanirwa kutsvaga vayananisi nguva dzose kana paine nyaya dzinonetsa uyewo munhu akaona kuti akadhakwa ngaaedze nepaanogona kuzvibata osiyana nekutaura nyaya dzakawanda. Honai kurwisana kwavo kwakonzera rufu rwemwana aida kurarama sevamwe. Tinokumbira vanoziva kune murume uyu kuti vazivise mapurisa ari padyo navo kuti asungwe agoenda kumatare edzimhosva,” vanodaro Sgt Major Chikasha.

Share This:

Sponsored Links