Baba vari kundichiva

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

NDINOTI makadii Tete Chipangamazano? Ndinovimba muchapa tsamba yangu mukana wekuti ibude. Ndiri musikana ane makore 20 ekuzvarwa.

Dambudziko rangu nderekuti baba vangu vari kuita ruchiva neni.

Amai vangu vekundibereka vakashaya izvo zvakaita kuti tisare tichigara namainini, mukadzi wababa wechipiri. Baba vakapa mukadzi wavo mutemo wekuti atide, uyezve kuti ndisaite basa rinorwadza.

Pavanodzoka kubva kubasa vanouya muimba yandinorara vaine zvipo zvakangosiyana-siyana, vachingotaura zvakarerekera kunyaya dzekudanana.

Vanoti ndinovafungisa amai vangu vakashaya. Ndashaya wekuudza nokuti handina mumwe ari pedyo neni.

Ndibatsireiwo tete.

Tariro.

Hatcliffe,

Harare.

MHINDURO:

Dambudziko rakio muzukuru rinorwadza zvose nekutyisa. Vanasikana vazhinji vanosangana nazvo kana vachinge vafirwa nana amai vavo.

Baba vako kana vasati vasvitsa shoko rerudo zvinonetsa kuti utsvage munhu wehukama wekuudza, asi iwewe ndiwe uri kuona maitiro avo.

Kana vakusvitsa shoko ndipo paunovamhan’arira kune vamwe vemhuri kuti vafumuke. Pavanongokukanda shoko bedzi, iwe ibva wazvitaura.

Ndinoona kuti ava ndivo vana baba vaye vanotora mukana kuvanasikana vavo nherera voguma vavabhinya kana kuvashandisira mishonga.

Hameno, pamwe zvichida baba vako vane rudo newe senherera, uyezve zvichida vanoona amai wako pauri sezvo uri mwanasikana. Variko vabereki vanodaro, vasingade kuona vana vavo nemukadzi akafa kana kuti akaenda vachinetswa nemukadzi mudiki. Asiwo vashoma.

Kozouya zera rako pachivanhu pedu baba havatofaniri kukubata chero papi zvapo nekuti watova mukadzi mukuru.

Vanofanira kuremekedza muviri wako, saka iwewe nyatsoongorora rudo rwacho kuti rwuri kuendepi, nekuti pazera rako wave kuziva musiyano.

Tete.

Share This:

Sponsored Links