Munyori weKwayedza
MURUME wemuHarare anonzi akarovera mwana wake ane makore mana okuberekwa kumadziro mushure mekunge anetsana nemudzimai.
Izvi zvakabuda mudare reHarare Magistrates’ Court apo Clementia Ndoro aikumbira gwaro redziviriro kubva kuhanzvadzi yake, Martin Katumba.
Ndoro anoti ari kushungurudzwawo naKatumba.
“Kana akadhakwa anotuka vanhu vose vari padyo naye, kusanganisira mudzimai wake uye akambobatanidzira mwana wake apo akamukanda kumadziro,” anodaro.
“Pandinoda kupindira anondituka nemashoko anonyadzisira. Pose paanotanga kundituka, ndinofanira kutiza kuti ndisarohwa.”
Katumba anoti mashoko ose ari kutaurwa naNdoro ndeemanyepo.
“Ndinoramba zvose zvandiri kupomerwa pamberi pedare. Handimutuke sezvo ari hanzvadzi yangu.
Handizive kuti sei ari kuti ndinomutuka, kumutyisidzira kana kumurova,” anodaro.
Mutongi Meenal Naratom vakaudza Katumba kuti asashungurudza mhuri yake uye akasazvitevedzera aizosungwa.