Baba vauraya mwana (5)

08 Sep, 2022 - 02:09 0 Views
Baba vauraya mwana (5) Asst Comm Paul Nyathi

Kwayedza

Munyori weKwayedza
MURUME ane makore 50 okuberekwa akasungwa nemhosva yekuuraya mwana wake musikana ane makore mashanu nechikonzero chisina kuzivikanwa, ndokuzokanda mutumbi mumugwagwa weHarare-Bulawayo kuMbembesi nechinangwa chekuvanza mhosva iyi.

Andrew Jackson anonzi ari kubvuma kuti akauraya mwana wake uyu nemusi weSvondo wadarika.
Ari kubatsira mapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya iyi vachiti: “Mapurisa ekuMbembesi asunga Andrew Jackson ane makore 50 okuberekwa nemhosva yekuuraya mwanasikana wake, Mary Jackson ane makore mashanu, kuSojini Village, kuMbembesi.

“Murume uyu ari kubvuma kuti akatora mwana kubva kuna amai vake ndokumuuraya uye ndokuzoedza kuvanza mhosva iyi nekukanda mutumbi uyu mumugwagwa weHarare-Bulawayo.”

Share This:

Sponsored Links