Baba vekuponda vana 2 vazviuraya

20 Sep, 2022 - 15:09 0 Views
Baba vekuponda vana 2 vazviuraya Insp Muzondo

Kwayedza

Liberty Dube

MURUME wekwaMarange, uyo anga achitsvagwa nemapurisa mushure mekuponda vana vake vaviri nekuvatema-tema nezibanga (machete) uye ndokusiya aiita kafiramberi mudzimai wake navatezvara munaChikunguru, akawanikwa akafa akarembera mumuti kwaOdzi kwaMutare.

Steward Chimbango akawanikwa akarembera pabazi remuti mugomo reNyagundi kuVillage 4B.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Norbert Muzondo, vanotsinhira nyaya iyi.
“Chimbango akanyangarika mushure mekuuraya vana vake vaviri. Anga ari kutsvagwa nemapurisa.
“Mutumbi wake, uyo wainge wave kutowora, wakawanikwa wakarembera pabazi remuti mugomo riri pedyo,” vanodaro Inspector Muzondo.

Chimbango akatizira mugomo reRukandamo mushure mekuponda vanakomana vake vaviri – Christian (aive nemakore mashanu) naCloud Chimbango uyo aive negore rimwe chete rekuberekwa.
Akatema-tema misoro yevana ava achishandisa machete uye vakawanikwa vakarara mudivi reropa pamba pevabereki vavo.

Mapurisa anoti Chimbango nemudzimai wake, Mutsawashe Mukobo (22), vakanetsana kwenguva refu izvo zvakazoita kuti vaparadzane munaChivabvu.

Pakuparadzana kwavo, Chimbango akatora vana vaviri ava.
“Nomusi wa12 Chikunguru, Chimbango akafonera tezvara vake, VaDavison Mukobo, dokuvakumbira kuti vauye kuzotora midziyo yemwanasikana wavo. Mangwana acho, Mutsawashe Mukobo, VaDavison Mukobo nemunin’ina wavo VaEbern Mukobo vakaenda kumba kwaChimbango kubhuku raChipfatsura.

“VaDavison Mukobo vakaedza kugadzirisa kusawirirana kwevaviri ava, asi zvakakona. Vakabva vaudza mwanasikana wavo kuti arongedze zvinhu zvake. Mutsawashe ari mukati memba, Chimbango akavatevera ndokunotora machete rakareba mita imwe kubva mudenga rehuswa. Mutsawashe akabva audza baba vake asi Chimbango akananga kwaive nanavatezvara vake akabata machete iyi.

“Ebern akabva atiza kubva panzvimbo iyi, Chimbango achibva atema Davison nemachete iri kamwe chete kumusana. Akadonha pasi achibva atemwa zvakare mumusoro,” vanodaro Inspector Muzondo.

Chimbango akatema zvakare Mutsawashe asati atendeukira kuvana vake vaviri avo akazotema-tema misoro yavo.

Share This:

Sponsored Links