Uncategorized

Baba vogocha vana . . . . hanzi vane misikanzwa

01 Apr, 2021 - 13:04 0 Views
Baba vogocha vana . . . . hanzi vane misikanzwa RYRON ACHITARIDZA MAOKO AANONZI AKAPISWA NABABA VAKE NEMAPURASITIKI

Kwayedza

Fungai Lupande ari kuSHAMVA

MURUME anogara mubhuku rekwaMbata, kuShamva South, ari kunzi anoshungurudza vanakomana vake vatatu zvekusvika pakuvapisa maoko avo nemoto wemapurasitiki nekuvarova achivapomera kuti vari kuba zvirimwa nezvimwe zvinhu.

Vana ava — Tadiwanashe (9), Byron (7) naAuthor (6) — pari zvino vari muchipatara cheBindura Provincial Hospital umo vari kurapwa maronda ekupiswa nekurohwa nababa vavo vanonzi Gilbert Samhungu.

Samhungu akatosungwa uye nyaya yake yatova mudare reMt Darwin Magistrates’ Court uko ari kupomerwa mhosva yekushungurudza vana vake.

Amai vevana ava — Mai Joylene Kunyama (28) — nevanakomana vavo vanonzi vagara vachishungurudzwa naSamhungu kwemakore matatu adarika kusvikira mumwe mugari wemunharaunda iyi akazonomhan’ara nyaya iyi kuMadziva Police Station.

Nemusi wa7 Kurume gore rino, Samhungu anonzi akasungirira mwanakomana wake mukuru, Tadiwanashe, pagumbo remubhedha ndokumurova kumagadziko zvekumusiya asisakwanise kugara.
Anonzi akazorova zvakare Byron achishandisa nzira imwe chete iyi kusvikira mwana uyu akazviitira tsvina.

Kwayedza svondo rapera yakashanyira chipatara cheBindura Provincial Hospital uko vana ava vari kurapwa vachichengetwa naamai vavo.

Maoko aAuthor akapiswa zvakaipisisa apo Byron akapiswa zvakare mumaoko nepagumbo.
Tadiwanashe, uyo achiri kutambura kuti akwanise kugara, akange akarara nedumbu pamubhedha wemuchipatara ichi musoro wakatsinin’ina pasi.

Vachitaura nezvekushungurudzwa kwavo, Mai Kunyama vanoti vanakomana vavo vave kuzivikanwa munharaunda yavanogara nezita remadunhurirwa rekuti “three musketeers” nenyaya yekuba, asi baba vavo vanovaranga zvakadarikidza.

“Vakatanga kurova vana, vanoita sevari kurwa nemurume wezera ravo,” vanodaro.

Vanoti rimwe zuva uri musi weSvondo, vakaperekedza murume wavo kunobatsira vanatezvara vake basa mumunda wefodya.

“Murume wangu akazobva ave kuenda kubindu uye paaive munzira akaona Byron naTadiwanashe vakagara pasi vachidya nzungu. Akavabvunza kuti vainge vadziwanepi vachibva vati vaive vapihwa nemhuri yekwaSawaya.

“Nekuda kwekuziva kuti vana ava vane misikanzwa, akabva aenda kunobvunza kuti abate chokwadi ndokuudzwa kuti vana vakatanga kudya nzungu idzi mangwanani kunyangwe zvazvo vasina kumbobvira vaonekwa munharaunda iyi,” vanodaro.

Mai Kunyama vanoti vana ava vakaratidza kutya kukuru ndokubva vaudza baba vavo kuti vainge vadziba mumunda wemhuri yekwaSawaya.

“Saamai, ndakatora tsarapu ndokurova Tadiwanashe zvisingarwadze nayo nechinangwa chekuchengetedza vana kubva kuhasha dzababa vavo,” vanodaro Mai Kunyama.

“Vakazoshevedza Tadiwanashe muimba yekurara ndokumuti abvise chikabudura chake, vachibva vazomusungirira pamubhedha. Vakatora chitanda ndokutanga kurova mwana nacho. Ndakamhanya kumba kwemuvakidzani wedu apo vakazomuregedza.

“Nenguva dza6 zuva rovira, vakashevedza Bryron muimba yekurara ndokumusungirirazve pamubhedha.
“Mwana akazviitira dope nekurohwa. Ndakamugeza uye akazongoverera asina kupfeka. Ndakatsvaga mwana ndokumushaya.”
Mushure mekutiza, Bryron anonzi akaenda kumba kwaMore Mbata uko akanohwanda mumotokari yakafa.
Zuva rakatevera, Bryron akawanikwa ari mumota iyi apo vanhu vakaungana kusanganisira nhengo dzeSchool Development Committee.
Aka kanonzi kakange kari kechipiri mwana uyu achirara musango mushure mekushungurudzwa nababa vake.
Sabhuku wemunzvimbo iyi, VaWilliam Mbata, ndivo vakazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.
Mai Kunyama vanoti izvi zvisati zvaitika, Author akamboba chibage mumunda wemhuri yekwaMurungweni uye ndokudya poto yose yenyama yehuku.

“Mushure mekunge vaziva nezvechiitiko ichi, baba vavo vakashevedza Bryron naAuthor pamoto pavaive ndokuvapisa nemapurasitiki mumaoko nemakumbo.

“Ndakataurira muvakidzani wangu kuti azivise vekuSOS avo vaishanyira bhuku redu pamusoro pekushungurudzwa kwatiri kuitwa,” vanodaro.

Vanoona nezvekuchengetedzwa kwevana munhauraunda iyi vanonzi vakambozama kubatsira mhuri iyi asi vakatyisidzirwa naSamhungu.

Kanzura weWard 9, VaSimon Matibayirakupusa, vanoti mushure mekunge vaziva nezvekushungurudzwa kwemhuri iyi, zvainetsa kuti mapurisa apindire sezvo Mai Kunyama vairamba kutaura zvaiitika nekuda kwekutya murume wavo.

“Tine madzimai matatu akasarudzwa achadzidziswa sevabereki vanochengeta vana (foster parents) avo vachachengeta vanoshungurudzwa. Panyaya iyi, vana ava vaiba chikafu unova munongedzo wekuti vane nzara.

“Tichasimbaradza chirongwa chedu chekubatsira mhuri iyi uye nekuona kuti vana ava vapinzwa muchirongwa cheBEAM nekubatsirwawo kwemhuri iyi nechibage,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey