Baba ‘vorapa’ mwana tsviyo nekumubhinya

07 Aug, 2014 - 16:08 0 Views
Baba ‘vorapa’ mwana tsviyo nekumubhinya MWANASIKANA anorwara netsviyo achitaura neKwayedza nguva pfupi yadarika.

Kwayedza

MWANASIKANA anorwara netsviyo achitaura neKwayedza nguva pfupi yadarika.

MWANASIKANA anorwara netsviyo achitaura neKwayedza nguva pfupi yadarika.

Kingstone Mapupu
MUKADZI wekuEpworth ane makore 38 ekuberekwa, uye ane dambudziko rekurwara netsviyo, anoti ashaya zvekuita nababa vake avo vakabvira kumubata chibharo apo ainge achiri mudiki dakara pari zvino apo vanenge vachimuti vari kumurapa chirwere ichi. Zvichibva mukushungurudzwa uku, mwanasikana uyu (zita rake zvose nerababa vake tinawo) anoti akatomboitiswa mwana uye kutapurirwa utachiwana hweHIV nababa vake ava.

Murume anonzi nemwana wake ari kumushungurudza uyu muporofita zvekare ari nhengo yemapurisa emunharaunda yekwaJacha, kwekare kuEpworth.

Mudzimai uyu anoti baba vake vakatanga kushinha naye kubva ari Grade 3 apo vaiva kumusha kwavo kwaChihota, zvichitevera kurambwa kwakaitwa amai vake avo vakazoshaya.

“Ndinobatwa chibharo nababa vangu kubva ndiri mudiki, semunhu ndakangokura ndichirwara nezvipusha (tsviyo). Baba vanonditi uku ndiko kundirapa kuti zvipere.

“Baba muporofita weJohane Masowe yeNguwo Tsvuku. Hakuna asingazive nyaya iyi kubva kuhama dzababa nedzekumusha kwaamai vangu,” akadaro achida kuchema.

Mudzimai uyu anoti akaitiswa mwana wekutanga nababa vake aine makore 25 okuberekwa, mwana wacho ndokuzofa nekuda kweutachiona hweHIV, uhwo akatapurirwa namadzibaba ava.

Anoti baba vake vakatanga kushereketa naye achiri mudiki apo vainge vachigara kumusha, ndokuenderera mberi pavakambogara kuHighfield, muHarare kusvikira kuEpworth kwavave kugara.

“Baba havadi kuti ndigare nemurume, vanoshungurudza murume iyeye kusvikira tarambana ndodzokera kumba senzira yekuti vagoramba vachindibata. Kubva pakafa amai, baba vane mamwe madzimai matatu akazofa zvakare kusvikira vazotora amainini vechidiki avo vari kugara navo izvozvi,” akadaro.

“Nyaya iyi ndakamboitaura kuna ambuya vachiri vapenyu pamwe chete nevakoma nevanin’ina vababa. Asi baba vakairamba apo vaida kutorohwa. Ndipo pavakambondidzinga ndikanogara kumusha kwaamai kwaGutu uko ndakazodzoka ndichisvikogara navo zvakare,” akaenderera mberi achidaro.

Kuburikidza nekushungurudzwa kwaanoti anoitwa, anoti akambogara musango apo akange adzingwa nababa vake.
“Ndine murume wandakanga ndave kugara naye wekuMasvingo (zita rake takapihwa) uyo akazondiramba anzwa nyaya iyi. Murume uyu ndakaita naye mwana akatotora mwana wake akanomupa kuna amai vake uko ave kugara.”

Anoti baba vake pose pavanoshinha naye vanotanga nekuimba kambo kekuchechi.
Sekutaura kwake, akambomhan’ara nyaya iyi kaviri kumapurisa ekuDomboramwari, kuEpworth kwekare.

“Izvozvi baba vakandidzinga pamba kudzimara ndazotorwa nemumwe mudzimai, uyowo akasvikondipa kumurume wandinogara naye kuti andiite mukadzi.

“Mumba umu tinodya zvinhu zvandinopihwa kukiriniki nekumasangano anobatsira varwere,” akadaro.
Anoti hama dzaamai vake hadzidi kumuona sezvo vachiti anoshandiswa nababa vake kuti chiporofita chavo chibudirire.

Vamwe vanhu vanogara munzvimbo iyi vakatsinhira nyaya yekuti pane runyerekupe rwekuti baba ava vanoshinha nemwanasikana wavo.
“Mwana uyu akambenge ave kugara panze adzingwa nababa vake, akazotorwa nevamwe amai vemuno avo vakanomupa murume,” akadaro mumwe mudzimai.

Baba vemukadzi uyu vanoti nyaya yekuti vanorara nemwana wavo yakataurika kare.
Baba ava vakati: “Nyaya iyi yakambotaurika makore matatu kana mana akadarika ikasvitswa kumapurisa napastor weimwe chechi uko ainobatsirwa.

“Ndakazosungwa ndikagara kuchitokisi masvondo maviri, nyaya iyi ikanoperera kudare redzimhosva> Hapana nyaya apa, anopenga uyu.”
Vakazosanduka ndokuti mwana wavo uyu aifurirwa nanamaiguru vake, vakoma vaamai vake, kuti ataure mashoko aya.

“Akatombobuda pachena kuti aitaurirwa mashoko aya nanamaiguru vake, vachiti vaida kuti ini ndiroore kumusha kwavo sezvo ndakanga ndisina kana kumbobvisa mari yekuroora aiva mudzimai wangu, amai vemwana uyu. Ndakatombosvika pakubvisa imwe mari ndaona kuti ndipo paibva dambudziko iri. Hapana nyaya apa, murwere wepfungwa uyu futi,” vakadaro baba ava.

Murume uyu akaramba nyaya yekuti anopinda chechi yeNguwo Tsvuku asi kuti yeRevival Apostolic Church, uko anova muporofita.
“Chokwadi munhu unogona kuendera kujeri mahara, nyaya iyi handiizive zvachose. Inyaya yekugadzirwa.”

Panyaya yemurume ari kugara nemwanasikana wavo pari zvino, baba ava vakati mumwe mudzimai ndiye akakumbira mwana uyu kuti paiva nemurume aimuda ndokuzouya vose vakabvuma kuti vanogara vose.

“Ndakavati vanochengetana zvavo pasina pfuma nekuti wangu mwana murwere zvekutoti kudya kwavakanotanga kubika ndisu takavapa,” vakadaro.

Mudzimai wababa ava (zita tinaro), akarambawo kuti murume wake ari kubata mwana wake chibharo ndokuti:
“Vangarare nemwana here ini ndiripo? Nyaya yemwana wake akafa anotaurwa aiva nababa vake.

“Zvekuti akadzingwa pamba, izuva rimwe chete raakatandaniswa nehanzvadzi yake achimuti ainyanya kuda varume apo akanogara pakasango achibva azodzoka kumba.”

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vanoti vanoda nguva yekuti vamboongorora nyaya iyi kuti kana yakamhan’arwa kumapurisa yakambofambiswa sei.

Share This:

Sponsored Links