Uncategorized

‘Babamukuru vakaticheka nerakagomara’

08 Oct, 2020 - 17:10 0 Views
‘Babamukuru vakaticheka nerakagomara’ Munyaradzi Makore

Kwayedza

Nyaya naKingstone Mapupu

BABA vemwana wemakore manomwe okuberekwa wekwaMurehwa uyo akapondwa nechinangwa chinofungidzirwa kuti ndechekuchekeresa vanoti vakagurwa kunorira uye zvinovarwadza kunzwa kuti mukoma wavo ane chekuita nenyaya iyi.

Tapiwa Makore (Jnr) akapondwa chipo chemasvondo matatu adarika, mutumbi wake ndokuzonhongwa ikoko asi wakabviswa musoro nemutsipa, maoko nemakumbo ose.

Tapiwa Makore

Musoro nemaoko hazvisati zvawanikwa asi makumbo akaburitswa muchimbuzi chemumusha nemusi weChishanu.

Tafadzwa Shamba (40) uyo anga ari mufudzi wemombe pamwe chete nababamukuru vemwana uyu, Tapiwa Makore (Snr) (57), vakatosungwa nekuda kwemhosva yekuponda yavari kupomerwa.

Shamba anga achifudza mombe dzababamukuru ava uye anoti vakapara mhosva iyi pamwe chete.

Svondo rino baba vemwana wekupondwa uyu, VaMunyaradzi Makore (39) avo vanoita basa rekubika cobra vachitengesa vanodurura zviri pamwoyo pavo kuKwayedza.

Vanoti vanga vaine tarisiro yekuti mwanakomana wavo mumwe chete aizoraramawo oita upenyu sehwevamwe.

“Tapiwa ndiye oga pavana vangu vatatu anga ari mukomana – mukuru ari musikana, kwouya iye newekupedzisira musikana. Anga ava Grade 1 paNyamutumbu Primary School zvekare aigona muchikoro.

“Aisipota achibatsirana nehanzvadzi yake huru kurinda kugarden redu. Musi uyu ndakabuda ndichienda kuchigayo iye ndokuenda kugarden semazuva ose, aka ndiko kakava kekupedzisira kuona mwana wangu,” vanodaro baba ava mazivo avo akatsvuka misodzi yekurwadziwa.

Vanoti vakazotevera kubindu uku pamwe chete nemudzimai wavo, Mai Linda Munyori (32), apo vakasvikowana mwana wavo asiko ndokumutsvaga asi vakamushaya.

Mutumbi wake wakazowanikwa rechimangwana racho usina musoro, maoko nemakumbo.

Murume uyu anoti chinonyanya kumurwadza munyaya iyi ndechekuti nyakuruka zano rekuponda mwana wake anonzi mukoma wake weropa, Tapiwa Makore (Snr).

“Mukoma wangu kana ariye akaponda mwana uyu akandirozva. Akanditema nerakagomara uyo ari kudurwa naTafadzwa Shamba kuti vakauraya mwana wangu pamwe chete.

“Handizive kuti ndakavatadzira chii, pataitsvaga mwana mukoma wangu aitobatsira achiita sekunge pasina zvaaiziva uye achitishingisa. Asi zvose ndave kungosiira kuna Mwari, wangu mwana akatofa.

Tapiwa Makore (Snr) anonzi ane mudzimai nevana, vamwe vacho vari kunze kwenyika. Anonzizve mutyairi wematekisi uyo anogara kumba kwevabereki vake mumusha weMufakose, muguta reHarare, uko anoita bhindauko rekupfuya huku achitengesa.

Guva raTapiwa (Jnr)

“Ndangariro dzangu dziri pakuti mwana wangu paaichekwa nezibanga rinotaurwa iri kusvikira adamburwa musoro ivo vanhu ava vainzwa sei? Dambudziko ratava naro nderekuti iwo musoro wemwana wangu hausati wawanikwa, uyu uripo wakaendeswa kunoongororwa kuParirenyatwa unonzi ndewe mumwewo mwana ane makore 12 okuberekwa.

“Makumbo bedzi ndiwo awanikwa muchimbuzi, apa guva raida kuvigwa mwana rakangoshama,” vanodaro VaMunyaradzi Makore nemusi weChishanu apo Kwayedza yaivepo pakaburitswa makumbo aya muchimbuzi.

Bhokisi rekuviga naro mwana uyu rakatotengwa uye rakangochengetwa.

Musoro nemaoko zvaTapiwa Makore (Jnr) zvinonzi zvakaenda nen’anga iyo isati yasungwa. Mapurisa vanoti vari kuvhima n’anga iyi nemeso matsvuku.

Shamba – uyo anoyera mutupo weMusvinyangwa Nzombe – anonzi ari kutaura kuti akatumwa kuponda mwana uyu naTapiwa Makore (Snr) nechinangwa chekuchekeresa nhengo dzemuviri wake.

Imo mumhuri yekwaMakore munonzi mune vanoita zvehun’anga.

Mumhuri iyoyi munonzi mune mumwewo murume akafa nekupondwa ainzi George Makore.

Mai Linda Munyori (32) vanova amai vaTapiwa Makore (Jnr) vanoti vakagurwa kunorira nekupondwa kwemwana wavo.

“Takaita vana vedu vatatu musikana ane makore 10 okuberekwa, iye Tapiwa nemusikana wekupedzisira ane makore maviri. Handaimbofunga kuti vanhu ivava vangatidaro nekuti huswa hwakapfiririswa imba yababamukuru ndini ndakacheka nekuitawo mamwe mabasa kumba kwavo,” vanodaro.

Vanoenderera mberi: “Vanhu vekwaShamba tiri kudyidzana navo zvikuru munyaya iyi, vakaunza ngoro mbiri dzehuni ne50kg yechibage. Kunyangwe kukanzi varipe mwana wangu, hazvimbofa zvakandisunungura nekuti haadzoke, akatofa.”

Vakazotenda rubatsiro rwavari kupihwa neruzhinji zvichitevera kupondwa kwemwana wavo. Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanokwanisa kuridza nhare dzinoti 0787 335 468 kana 0778 155 787.

 

Havana kubata maoko

MUDZIMAI waTapiwa Makore (Snr), murume ari kupomerwa kuponda mwana wemunin’ina wake, anonzi iye nedzimwe hama dzepedyo havasati vanobata maoko kurufu rwemwana uyu.

Tapiwa Makore (Snr) ari kupomerwa kuponda mwana wemunin’ina wake achibatsirana nemufudzi wake wemombe, Tafadzwa Shamba, uye vaviri ava vakatosungwa nekuda kwenyaya iyi.

Vabereki vaTapiwa Makore (Jnr) – VaMunyaradzi Makore (39) nemudzimai wavo Mai Linda Munyori (32) – vanoti vari kushamisika kuti amaiguru vavo mudzimai waTapiwa Makore (Snr) havana kunovabata maoko.

“Amaiguru mudzimai wamukoma Tapiwa (Snr) havana kumbouya kuzobatirana nevamwe pakuchema mwana wangu. Havana chekutya kuti vauye kuzochema nesu nevamwe vemhuri. Handizive kuti havasi kurwadziwa here nekuda kwezvakaitika izvi,” vanodaro VaMunyaradzi Makore.

Linda Munyori

Mudzimai wavo anotsinhira: “Kusvika nanhasi amaiguru havana kumbouya kuzotibata maoko, hatizive kuti kutya here kana kuti vane mamwe mafungiro.”

VaBarnabas Makore (49) vanoti zviri kuvanetsa semhuri kuti sei dzimwe hama dzavo dzisina kunobata maoko.

“Zvinotinetsa isu semhuri kuti mumusha maitika nhamo yakadaro, amaiguru vorega kuzochema nevamwe.

“Handivo maiguru chete vasina kuzobata maoko, tine vamwe,” vanodaro.

Mudzimai waTapiwa Makore (Snr) haana kukwanisa kubatika panhare yake apo akafonerwa kakawanda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>