‘Baisai vana nhomba dzegwirikwiti’

05 Sep, 2022 - 16:09 0 Views
‘Baisai vana nhomba dzegwirikwiti’ Zviratidzo zvegwirikwiti

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO rinosusukidza kodzero dzevana, reUnited Nations International Children’s Emergency Fund (UNICEF), rinoti riri kushushikana zvikuru zvichitevera kuwanda kwendudu dzevana nekuda kwechirwere chegwirikwiti icho chinokwanisa kudzivirirwa.

Mumiririri weUNICEF muno, Dr  Tajudeen Oyewale vanoti vari kusuwiswa zvikuru nekuda kwehuwandu hwevana vari kufa nekuda kwegwirikwiti.

“Nemusi wa10 Kubvumbi 2021, kuMutasa District mudunhu reManicaland ndiko kwkaita nyaya dzekutanga dzechirwere ichi. Pari zvino Hurumende yakazivisa kuti paongororo iri kuitwa pasvondo yechirwere ichochi (Disease Surveillance System),  pakaonekwa kuti kune nyaya dzinosvika  6 034 dzinofungirwa kuva dzechirwere ichi uye 4 266 vakatonaya kuchizoti vamwe vana 685 vakatorasikirwa neupenyu kubvura kunyuka kwakaita denda iri munyika muno,” vanodaro.

Vanoti dunhu reManicaland ndiro rine mutoro wakakurisa wechirwere ichi nechikamu che 52.5 percent uye nendufu dzine chikamu che9.8 percent.

“SeUNICEF nevamwe vatsigiri, ticharamba tichishanda neHurumende uye chikwati cheRapid Response Team mukurwisa chirwere ichi mumatunhu achiri kunetsa. Tiri kubatsira mukuderedza chirwere ichi kuburikidza nekushanda neHurumende muzvirongwa zvayo zvekubaya majekiseni ekuchidzivirira pamwe nekuronda nzvimbo dzachiri kunyuka.

“Tine chinangwa chekubaya vana 2 miriyoni vane mwedzi mitanhatu yekuberekwa kusvika pamakore mashanu uye vamwe 4 miriyoni vanobvira pamakore mashanu kusvika pa15 ekuzvarwa,” vanodaro.

Sangano reUNICEF nevatsigiri varo riri kushanda zvekare nevanhu munharaunda apo rinokusha mashoko maringe nezvekukosha kwekubaisa vana nhomba dzekudzivirira gwirikwiti kuitira kubvisa mweya wekutyira vana uri mune vamwe veruzhinji zvichikonzerwa nekushaya ruzivo kana zvimwe zvitendero zvinorambidza kurapwa kuzvipatara.

“Tine chirongwa cheMeasles Rubella Initiative icho tinotsigirwa nesangano reGAVI, The Vaccine Alliance,  Health Development Fund nevamwe vanobatsira Hurumende mukurwisa chirwere ichi kuburikidza nekutenga mimwe mishonga kuti vana vararame,” vanodaro.

Zvakadaro, mumiririri wesangano reWorld Health Organisation (WHO) munyika muno, Dr Alex Gasasira vanokurudzira vabereki kuti vaende kunobaisa vana vavo nhomba dzekudzivirira gwirikwiti.

“Tinokurudzira vabereki kuti vaende kumakirinika nezvipatara zviri pedyo kuti vanobaisa vana vavo majekiseni ekudzivirira gwirikwiti kuvana vanobvira pamwedzi mitanhatu yekuberekwa kusvika pamakore mashanu, kusanganisira vaya vakambobaiwa nekuti zvinobatsira kuti vange vachisimbaradza kuzvidzivirira kwavo. Panobaiwa vana nhomba havasi vose vanodziviririka saka panoda kuti vange vachibaiwa rimwe jekiseni repiri kuitira kusimbaradza jekiseni rekutanga, zvikuru munguva ino apo chirwere ichi chiri kuramba chichipararira,” vanodaro Dr Gasasira.

Dzimwe nyaya dzechirwere ichi dziri kuwanikwa kuvana vakambobaiwa nhomba dzekuchidzivirira chinova chikonzero Hurumende iri kusimbaradza kuti pange pachiva nedzokororo yekubaiwa, rinodaro gwaro rakabva kubazi rezveutano nekurerwa kwevana reMeasles Situation Report.

Gwaro iri rinoti, pavana 6 291 (cumulative cases) vakadzivirirwa, pane nyaya 1 596 dzechirwere ichi dzakabuda mavari apo 3 567 vainge vasina kudzivirirwa zvachose.

Bumbiro remutemo riri maringe neutano hweveruzhinji (Amendment (No. 20) Act, 2013); the Public Health Act [Chapter 15:17]; the National Health Strategy 2021-2025 (NHS) unova mumwe murawu uri kugadzirwa, rinotaura kuti imhosva huru kurambidza munhu kuti ange achiwana kodzero yake yekurapwa zvinoreva kuti vose vari kushaisa pwere idzo dziri kufa negwirikwiti mikana yekurapwa vachabatwa nemutemo.

Gwirikwiti chirwere chinonyanyobata vana vadiki, chinokonzerwa nehutachiwana hwe”measles virus” uhwo hunopararira zvakanyanya uye nekuchimbidza huchifamba nemumhepo kunyanya apo munhu anokosora kana kuhotsira.

Kutaura kuno nyika yeZimbabwe iri pakati pekurwisa  chirwere icho chatobata vana vanokwana zviuru zvitanhatu nevanoraudzira uye chikatora upenyu hwevana vanosvika mazana manomwe. Dunhu reManicaland ndiro ranyanyobatwa nechirwere ichi uye rasrasikirwa nevana vakawanda.

Chikonzero ndechekuti kudunhu iri kune vanhu vane huwandu vezvitnedero  zvemakereke echipositori ayo asingabvumidze vatendi vavo kunobatsirwa muzvipatara.

Mumakore maviri adarika, Zimbabwe yakadzokera mumashure munyaya dzebudiriro yeupfumi hwenyika nemabasa zvichitevera kunyuka kwechirwere cheCovid-19.

Zviratidzo zvegwirikwiti zvinosanganisira  kupisa kwemuviri, mhezi dzinopararira muviri wose kutangira kumeso, dzihwa kana chikosoro, kuramba kudya, kusatamba semazuva ose, manyoka kana mavara matsvuku mukanwa.
Zvose izvi zvinogona kureva kuti mwana abatwa negwirikwiti saka zvinogona kuongororwa nekukasika.

Share This:

Sponsored Links