‘Baiwai majekiseni’

22 Jul, 2021 - 15:07 0 Views
‘Baiwai majekiseni’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUMWE chiremba anoti mushonga wejekiseni rekudzivirira chirwere cheCovid-19 wakanaka zvikuru uye anokurudzira veruzhinji kuti vanobaiwa.

Doctor Mthokozisi Nkosi, avo vanova sachigaro wesangano reConsumer Protection Commission, vakataura mashoko aya svondo rapera vachangobva mukubaiwa jekiseni repiri (2nd dose) rekudzivirira Covid-19 pachipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals.

“Ndinoti kuruzhinji rweZimbabwe kune mashoko akawanda ekuvhundutsirana uye emanyepo ayo anoparadzirwa nevanhu mumadandemutande ekuti majekiseni ekudzivirira Covid-19 haana kunaka, aya manyepo. Ini nhasi ndichangobva kubaiwa izvozvi uye hapana kana chandiri kumbonzwa chakaipa.
“Ndinoti baiwai tirwise chirwere ichi,” vanodaro Dr Nkosi.

Vanoti mamwe mashoko anofambiswa muruzhinji nekuda kwemajekiseni aya emanyepo anokonzera kuzengurira kwevanhu vanenge vachida kubaiwa.

“Dai Hurumende yatibatsira kuranga vanhu vose vanoparadzira mashoko emanyepo aya vachishandisa dandemutande kuti vanhu vasabaiwe. Zvakanaka zvikuru kuti vanhu vose tikabaiwa, zvinobatsira Hurumende kurwisa chirwere ichi,” vanodaro Dr Nkosi.

“Nyanzvi dzezveutano dzinogara dzichiramba mashoko ose emanyepo anotaurwa pamadandemutande. Saka tinoti kuruzhinji ngavasiyane nekuterera vanhu vose vose, inzwai mashoko anouya kwamuri nenzira kwadzo uye achibva kuvanhu vanovimbika nekuzivikanwa.
“Tinoda kuti nyika ikunde denda iri torarama tose, upfumi hwedu hwosimukira pasina kurasikirwa nevamwe vedu,” vanodaro Dr Nkosi.

Mashoko avo anotsinhirwa nemushandi wekumahofisi emuzinda unomirira Mozambique muno, VaOrlando M. I. Senete Massuanganhe vanova Mozambican Attache, avo vakabaiwawo jekiseni rekudzivirira Covid-19 pachipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals svondo rapera.
“Ndauya pano kuzobaiwa jekiseni rekudzivirira Covid-19 ndiine vamwe vangu. Ndinokurudzira vanhu kuti vabaiwe, ini ndatobva mukubaiwa uye handina chakaipa chandiri kunzwa.
“Ndinoti kune vamwe musanonoke, huyai mubaiwe,” vanodaro VaMassuanganhe.

Share This:

Sponsored Links