‘Baiwai majekiseni magitare adzoke’

14 Sep, 2021 - 16:09 0 Views
‘Baiwai majekiseni  magitare adzoke’

Kwayedza

 Abel Ndooka

VAIMBI vari kukurudzirwa kuti vatungamire pachirongwa chekubaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 uye nekutora chikamu chikuru pakuparidza mashoko kune veruzhinji kuti vabaiwe nhomba idzi.

Kurudziro iyi yaitwa nemuimbi wemusambo weAfro Jazz neTraditional – James Makurumu – uyo vazhinji vanoziva saJie Mak, achiti vaimbi vazhinji vari kusimukira pari zvino havazi kuziva kuti remangwana ravo rakamira sei sezvo vave nemakore maviri vasina kumboita mashoo nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Jie Mak anoti sevaimbi, vave kufanirwa kutungamira pachirongwa chekubaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 pamwe nekukurudzira veruzhinji kunobaiwawo kuitira kuti vagopihwa mvumo yekutanga kuita mashoo ane vanhu vakawanda.

“Ini semuimbi, ndasuwa chaizvo kuridza pamberi pevatsigiri vangu tichifara tose. Asi, ndinoziva kuti mashoo anonetsa nekuti anozara vanhu, ipapo pane mukana wekuti titapurirane Covid-19.

“Asi kana takabaiwa tose, zvinotiitira nyore kana mvumo yekuridza tinogona kuiwana. Saka isu sevaimbi, tinofanira kutora chikamu chikuru mukukurudzira veruzhinji kuti vanobaiwa uye tose tibaiwewo tidzivirirwe kubva kudenda iri.

“Handei nehuwandu hwedu kunobaiwa, tiri kuona zvimwe zvikamu munyika zviri kuzarurwa saka kana tikabaiwa isu vaimbi uye veruzhinji, ndinoona tichipihwa mvumo kuti tichitanga kuita mashoo,” anodaro Jie Mak.

Muchinda uyu akatanga zvemhanzi mugore ra2009 uye kusvika pari zvino akwanisa kutsikisa madambarefu mana.

Vazhinji vanoziva Jie Mak, uyo anotungamira chikwata cheLove Live Band, nenziyo dzinosanganisira Dananai, Ndiri Ndega, Usatambe Nerudo naNdave Dongo.

Gore rino anoti ari kutarisira kuparura dambarefu rake rechishanu rinonzi Ndipe Mukombe.

“Shuviro yangu nevamwe vaimbi ndeyekuti tipihwe mvumo yekuridza magitare timbotandara nevatsigiri vedu tichifara pamwe nekudzidzisana,” anodaro Jie Mak.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey