Baiwai nhomba: Madungwe

06 Sep, 2021 - 15:09 0 Views
Baiwai nhomba:  Madungwe Prophet Madungwe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUPOROFITA anokonzeresa nekuda kwezvinobuda pamuromo wake – wekutaura kuti anogara achiita misangano naMwari mbune – ari kukurudzira veruzhinji kuti vanobaiwa nhomba kana kuti majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Prophet Talent Madungwe (35) vechechi yeReminant Desire of All Nations Ministries vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vatambire chirongwa chekubaiwa majekiseni eCovid-19.

“Ini saProphet Madungwe, ndinokurudzira ruzhinji kuti ngavabaiwe majekiseni aya ekudzivirira chirwere cheCovid-19. Hapana chakamboipa apa, musatevedzere mashoko evaparidzi vemashoko enhema uye ini ndakatobaiwa kare majekiseni ose ari maviri.

“Panhomba idzi, handina chandakatombonzwa kana kurwadziwa uye ndakatofambira mberi nekushumira shoko dzvene raMwari pasina dambudziko,” vanodaro Prophet Madungwe.

Vanoshora vanhu vanogara vachida kutsoropodza zvirongwa zveHurumende zvisina tsarukano.

“Chirwere cheCovid-19 chinoda kuti vanhu tifambe nekudyidzana pamwe chete, kushaikwe vamwe vanotsauka. Iro bhaibheri ragara rinotaura kuti kuchauya zvirwere zvichashungurudza vanhu pasi rose zvakaita saichochi cheCovid-19.

“Asi nekufamba kwenguva chichapera sekupera kwakaita zvimwe zvirwere zvakambonetsa vanhu zvave kurapika. Takamboita maperembudzi vanhu vachigariswa musango kumisososo kuti vasasangane nevamwe asi zvakapera,” vanodaro.

Prophet Madungwe vanoti vemachechi vose vanofanirwa kubatsirana neHurumende muchirongwa chekurwisa kupararira kweCovid-19.

“Sesu vatungamiri vemachechi, ibasa redu kuzivisa vanhu kuti vaende kunobaiwa nhomba idzi vorega kufurirwa nemashoko asiwo. Sekwangu kuchechi, munhu wose achipinda muchechi anofanirwa kuuya akabata kadhi rake rinoratidza kuti akabaiwa majekiseni uye pasina izvozvi takawirirana kuti unononamatira kumba kwako, kana chegumi chako nezvipo handizvide. Tanga watevedza mirairo yenyika,” vanodaro Prophet Madungwe.

Share This:

Sponsored Links