Uncategorized

Baiwai nhomba ye’booster’: CZR

19 Jan, 2022 - 16:01 0 Views
Baiwai nhomba ye’booster’: CZR

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

SANGANO rinomirira vezvitoro reConfederation of Zimbabwe Retailers (CZR) rinokurudzira veruzhinji kuti vabaiwe nhomba yechitatu (booster shot) yekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Mukuru weCZR, VaDenford Mutashu vanoti denda iri radzosera kumashure budiriro yemabhizimisi akawanda, kusanganisira zvitoro, kuburikidza nezvirongwa zvakadai selockdown apo mamwe mabhizimisi anombonzi avharwe senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

“Sesangano rinomiririra vezvitoro, tiri kukurudzira veruzhinji, kunyanya vemabhizimisi nevashandi vavo, kuti vabaiwe nhomba yechitatu yekudzivirira Covid-19 iyo inodaidzwa kuti booster shot. Izvi zvinobatsira zvakanyanya kuti vagare vakagadzirira kudzivirira kupararira kweCovid-19.

“Tiri kukurudzirawo veruzhinji kuti vabaiwe jekiseni iri nekuti muzvitoro munosangana vanhu vakawanda nguva zhinji naizvozvo pane njodzi huru yekutapurirana denda iri,” vanodaro VaMutashu.

Zvisinei, VaMutashu vanoti nhomba yechitatu iyi haizi kumanikidzwa kuti vanhu vabaiwe asi zvakangokosha kuti vange vachibaiwa nechinangwa chekuzvidzivirira.

“Kuenda kwevanhu kumabasa nekuvhurwa kwezvitoro ndiko kunoita kuti upfumi hwenyika hufambe zvakanaka. Denda reCovid-19 ranetsa pakuti riri kuuya nemhando dzehutachiona dzakasiyana-siyana apo dzimwe dzacho dzinouraya zvakanyanya asi dzimwe dziri nani.

“Zvakakosha kuti vanhu vabaiwe nhomba. Kune vamwe vasati vabaiwa majekiseni ekutanga avo tiri kukurudzirawo zvakare kuti vabaiwe. Kune vachine mufungo wekuti vakabaiwa nhomba vanorwara kana kufa zvinova zvisirizvo. Nhomba yakanangana nekudzivirira vanhu kuti kana vakazobatwa nedenda ranetsa iri, vasazorwara zvekuenda muchipatara kana kufa,” vanodaro VaMutashu.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 4 215 836 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira chirwere cheCovid-19 apo vamwe 3 242 414 vange vabaiwa ose ari maviri.

Nerimwe divi, vanhu vanosvika 30 841 vange vabaiwa nhomba yechitatu (booster shot).

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 226 887 vange vawanikwa vaine denda iri mushure mekuvhenekwa kubvira pakatanga chirwere ichi munaKurume 2020 muZimbabwe.

Pavarwere ava, 209 753 vakatopona asi vamwe 5 266 vakafa.

Share This:

Sponsored Links