Baiwai nhomba yeCovid-19

09 Sep, 2021 - 11:09 0 Views
Baiwai nhomba yeCovid-19

Kwayedza

Abel Ndooka

VATAMBI venhabvu vanokwikwidza mumaligi eZIFA anoti Northern Region Division One, Southern Region neCentral Region vokurudzirwa kuti vanobaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 apo gadziriro dzekudzosa mutambo wenhabvu dzave padanho repamusoro.

Zvichitevera kupihwa kwaitwa mvumo neHurumende kuti mitambo yose ichidzoka, Northern Region Soccer League (NRSL) pamwe nemamwe maregion enhabvu emunyika vakanyorera kuzvikwata zvavo kuti zvichiita gadziriro dzekuti mutambo uyu uchitanga uye ndokuvapa masvondo maviri ekuti vatambi vavo, varairidzi nevose vanoshanda muzvikwata izvi vange vakabaiwa nhomba yeCovid-19.

Muchinyorwa chakabva kuNorthen Region, sachigaro weNRSL – Martin Kweza – anoti hutungamiri hwemaregion ose hwakasangana ndokuronga mafambiro achazoita nhabvu yeDivision One uye ndokuve negwara iro ravachashandisa vachibatsirwa neZIFA nePSL.

“Zvichitevera kuziviswa kwakaitwa neSports and Recreation Commission kuti mitambo ichidzoka, takasangana nehutungamiri hwemamwe maregion tikawirirana kuti tozvifambisa sei kuti nhabvu idzoke zvakanaka. Takawirirana kuti tidzose nhabvu tichitevedzera mitemo yose ine chekuita nekuderedza kupararira kwedenda reCovid-19.

“Vatambi nehutungamiri hwose hwenhabvu vanofanirwa kuenda kunobaiwa nhomba yeCovid-19, kana vapedza kubaiwa vochitanga gadziriro dzavo dzekuti mitambo ichitambwa.

“Sevanhu vakarongeka, muri mutarisirwa kuti mutevedzere izvi motanga gadziriro dzenyu. Pazvose zvamuchange muchiita, itai muchirangarira nekutevedzera mitemo yose yeCovid-19 yeHurumende, Fifa, Zifa neSRC. Uyu ndiwo watove muraramiro wedu, saka tinofanirwa kutevedzera kuitira kuti tisazoripiswa kana tikatyora mitemo,” anodaro Kweza muchinyorwa chakatumirwa kuzvikwata zvakasiyana-siyana.

Anoti zvikwata zvinenge zvazadzikisa matanho aya ndizvo chete zvichapihwa mvumo yekutanga kuita gadziriro dzavo.

“Toda kukuzivisai kuti zvikwata zvinenge zvazadzikisa matanho ose aya ndizvo zvichapihwa mvumo yekutanga kuita gadziriro dzekuti mitambo ichitanga,” anodaro.

Zvakadaro, kana zvikwata zvose zvikapedza kunyoresa nekubaisa nhomba kuvatambi vazvo, mitambo yeDivision One iri kutarisirwa kutanga musi wa29 Gumiguru

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey