‘Baiwai tisvike 10 miriyoni’

23 Sep, 2021 - 14:09 0 Views
‘Baiwai tisvike  10 miriyoni’

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reMusic Management Forum of Zimbabwe ravamba chirongwa chekukurudzira ruzhinji rweZimbabwe kuti vabaiwe nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 nedonzvo rekurwisa kupararira kwacho uyewo nekuti vaimbi vazotenderwa kuita mashoo.

Munyori wesangano iri, Russell Mavudzi uyo anove zvakare mukushi wemashoko, anoti vari kukurudzira veruzhinji kuti vabaiwe majekiseni aya.

Mavudzi anoti shuviro yavo kuona vanhu vanosvika 10 miriyoni vachibaiwa nhomba idzi munyika muno sechinangwa cheHurumende kuti Zimbabwe ive yakadzivirirwa kubva kuCovid-19.

“Isu semapuromota nemamaneja emhanzi, shuviro yedu kuona vanhu vanosvika 10 miriyoni vachibaiwa nhomba dzeCovid-19 kuitira kuti magitare achitanga kutenderwa kukwenywa nekuti ndiwo anoraramisa vaimbi.

“Takagadzirira hedu kutanga kuridza magitare asi chinhu chikuru iye zvino kuti munhu wose abaiwe nhomba, tinge takachengetedzeka kuitira kuti zvigotifambira zvakanaka kana tazopihwa mvumo yekuti magitare achitange,” anodaro Mavudzi.

Anoti sevanhu vari mune zvemimhanzi, vakarangana kuti vaimbi vatore danho guru rekushambadza nezvedenda iri vachikuridzira veruzhinji kuti vaende kunobaiwa nehuwandu hwavo senzira yekurwisa kupararira kweCovid-19.

“Takatorawo danho rekuti vaimbi vatinoshanda navo vaimbe nziyo dzekushambadza nezvedenda iri uye nekukurudzira veruzhinji kuti vabaiwe nhomba.

“Isu takatobaiwa uye takaona zvakanaka nekukosha nekuti takadzivirirwa. Vanhu ngavasiye tsika yekushambadza mashoko enhema, ngatibaiwei nehuwandu hwedu chirwere ichi chipere,” anodaro.

Mashoko ake anotsinhirwa nemumwe puromota ane mukurumbira – Yasin Dhala – achiti pari zvino vaimbi vakawanda vari kurarama kuburikidza negwaku-mukwaku zvichitevera kumiswa kwakamboitwa mashoo.

“Vaimbi vakarasikirwa zvikuru nekumiswa kwakaitwa magitare, vazhinji vakatotanga kuita mamwe mabasa nekuti vairaramiswa nemagitare. Vanzwa nekumirira, saka ndivo vave pamberi pakukuridzira vatsigiri vavo kuti vanobaiwa nhomba dzeCovid-19 nekuti tinoziva kuti munyika mukakwanisa kubaiwa vanhu 10 miriyoni zvinobatsira kuti isu vari mune zvemhanzi tigopihwa mukana wekutanga kuridza zvakare,” anodaro Dhala.

Share This:

Sponsored Links