Ballance odzoka kuzotambira maChevrons

16 Dec, 2022 - 13:12 0 Views
Ballance odzoka kuzotambira maChevrons Gary Ballance

Kwayedza

Abel Ndooka

ZIMBABWE Cricket yakazivisa kuti vakaita chibvumirano naGary Ballance chemakore maviri chekuti adzoke kuzotambira cricket yake muno zvichitevera kubva kwaakaita kuchikwata cheYorkshire.

Ballance, uyo akambotambira nyika yeEngland, anoti ane mufaro mukuru kudzoka kuzotambira nyika yake yaakazvarirwa.

“Ndiri kunzwa manyuku-nyuku kumirira Zimbabwe uye ndatarisira kushanda nevarairidzi vemhando yepamusoro nevatambi vane tarenda.

“Mukana wekumirira Zimbabwe wandipa simba rekushanda nesimba uye ndinonzwa kufara kuti ndiri kuenderera mberi nekutamba mutambo uyu.

“Ndange ndichikurukurura nevanhu vakawanda vecricket vemuno kwemakore akawanda uye ndichiona kukura kwange kuchiita mutambo uyu makore adarika,” anodaro Ballance.

Achitaura nezvekudzoka kwaBallance, director of cricket kuZC – Hamilton Masakadza – anoti sangano ravo ratarisira kushanda naBallance uyo vane idi rekuti achaunza shanduko huru mumutambo uyu.

“Zvinofadza kuti tave naGary, mutambi ane tarenda ane ruzivo rwemutambo uyu uye adzoka kuzotamba cricket kwazvakatangira.

“Kuuya kwake kwakakosha nekuti tiri kutarisira kuona achishandura zvakawanda mumutambo uyu achitambira zvikwata zvedu,” anodaro Masakadza.

Balance asati aenda kunotambira kuEngland, akaita mukurumbira mugore ra2006 apo akanetsa kumutambo weWorld Cup achitambira Zimbabwe U19.

Share This:

Sponsored Links