Basketball yogeda-geda

26 Feb, 2021 - 00:02 0 Views
Basketball yogeda-geda Addison Chiware

Kwayedza

Abel Ndooka
MURAIRIDZI wechikwata chebasketball cheJBC Basketball Club — Addison Chiware — anoti vatambi vakawanda vemutambo uyu vanoda kuziva remangwana ravo zvichitevera kumiswa kwakaitwa mitambo yose gore rapera senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Chiware, uyo akamborairidza chikwata chenyika chebasketball, anoti Covid-19 yakavhiringidza zvakawanda mumutambo uyu zvekuti havachazive kuti vodii kuti udzoswe.

“Vatambi vedu vazhinji vave nemibvunzo yakawanda zvikuru, vanoda kuziva kuti remangwana ravo rakamira sei uye zvichafambiswa sei kuti mutambo uyu udzoswe.

“Vatambi vaitoraramiswa nemutambo uyu uye vamwe vaitoushandisa kuti vagokwanisa kuwana mikana yekuenda kunze kwenyika saka kana usingatambwe mukana wekutengwa nezvikwata zvekunze hapatorina.

“Covid-19 iyi yavhiringa zvakawanda. Saka isu tave kungomirira kuti zvinhu zvinake chete.

“Ndiyo nzira yega inoita kuti zvitifambire uye mutambo uyu udzoke pasina chinokanganisa,” anodaro Chiware.

Gore radarika rave kunopera, zvikwata zvebasketball zvakasiyana zvakange zvave kutanga kuita gadziriro paine tarisiro yekuti mutambo uyu waigona kuzodzoswa asi zvose zvakaenda mudondo nekuda kwekunyuka zvakare kweCovid-19.

“Pane patakambotanga kugadzirira tikafunga kuti zvave kuendeka manje asi takabva tadzoserwa shure neCovid-19 yakatanga kunyuka zvekare.

“Izvezvi kana mutambo uyu ukanzi wadzoka zvichatitorera nguva sezvo vatambi vave nenguva huru vasingatambe,” anodaro Chiware.

 

Share This:

Sponsored Links