Uncategorized

Batsirai Chiedza arapwe gumbo

17 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Batsirai Chiedza arapwe gumbo Chiedza Rutsito

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wechidiki anogara mumusha weGlen Norah A, muguta reHarare, ari kutsvaga rubatsiro rwemari inosvika US$12 000 yekuti arapwe gumbo rake iro riri kubuda hurwa nehonye.

Anoti dambudziko iri rakatanga apo akabaiwa nemunzwa achiri mwana mudiki, chironda chacho ndokuramba chichimunetsa kusvika izvozvi.

Chiedza Rutsito (22) anoti dambudziko iri rakatanga ari muGiredhi 2 mugore ra2004 apo akabaiwa nemunzwa, gumbo ndokungotanga kubuda mvura richizvimba.

“Ndakabaiwa nemunzwa ndiri Giredhi 2 apo ndaigara kumusha kwaTanda, kwaRusape, ndokuendeswa kuchipatara chekwaRusape General Hospital uko ndakapedza mwedzi mitanhatu ndichirapwa. Gumbo iri raibuda mvura richizvimba, rakabva razotanga kutetepa kana tichienzanisa nerimwe racho,” anodaro Rutsito.

Anoti akaenda kuzvipatara zvakasiyana risingapore apo mugore ra2005 akazoendeswa kuMutare General Hospital uko akanovhiiwa.

“Gumbo iri rakaramba kupora kusvikira ndaendeswa kuchipatara cheMt St Marys, kuHwedza, uko ndakasvikorapwa ndichibvawo ndazodarikidzwa kuParirenyatwa Group of Hospitals kuHarare kuti ndinoonekwa nenyanzvi munaGumiguru gore rapera. Ndakaendeswawo kuchipatara cheMbuya Docus uko ndakanzi gumbo iri rinotofanira kudamburwa,” anodaro Rutsito.

Anoti akatorwa X-ray akanzi tsinga dzepagumbo rake dzakanga dzisisakwanise kufambisa ropa saka ndicho chikonzero richinzi ridamburwe.

“Takanzi titsvage mari iyo semhuri takawana shoma isina kukwanisa kuti ndidamburwe gumbo. Mari yave kudiwa kuti ndiwane nyanzvi dzemachiremba anondirapa inokwana US$12 000 zvisinei kuti imwe tava nayo. Izvozvi gumbo rangu rine maburi maviri anobuda mvura nehurwa nehonye,” anodaro Rutsito.

Vanoda kumubatsira vanoridza nhare panhamba dzinoti 0786 626 355 kana kuisa mari muakaundi yebhengi reSteward Bank ine nhamba dzinoti 1032915228

Anoti haakwanise kurara husiku kuburikidza nekurwadziwa nemaronda ari pagumbo iri.

“Chirwere chaicho chiri pagumbo iri chiri kutsvagwa apo kurapwa kuri kutadza kuburikidza nekushaya mari. ,” anodaro Rutsito.

Share This:

Sponsored Links