‘Batsirai Dynamos’ . . . zvave kuda Mwari: Romario

25 May, 2018 - 00:05 0 Views
‘Batsirai Dynamos’ . . . zvave kuda Mwari: Romario Chris ‘Romario’ Musekiwa

Kwayedza

Abel Ndooka
VATSIGIRI venhabvu vezvikwata zvakasiyana vokurudzirwa kuti vabatane nezvikwata zvavo mukuzvibatsira kupedza matambudziko azvinenge zvichisangana nawo kwete kukonzera nyonga-nyonga nekupindira munyaya dzine chekuita nezvehutungamiriri.

Mashoko aya akataurwa nemutungamiri wevatsigiri veDynamos, Benjamin Munzira, achiti harisi basa revatsigiri kutaura kuti hutungamiri hwechikwata ngaushandurwe asi kutsigira vatambi nhabvu.

Mwaka uno Dynamos haisi kunyatsotamba zvinonwisa mvura izvo zvaiona ichihwina mitambo mitatu chete kubva pa12 yayatamba ndokuita mangange mitatu zvakare uye ikarakashwa mitanhatu.

Svondo radarika, chikwata ichi chakakundwa neFC Platinum 2-0 apo murairidzi wacho – Biggie Zuze – akashoropodza vatungamiriri veDeMbare achiti vanofanirwa kupa vatambi mari kuti vatambe zvemhando yepamusoro.

“Chandinoziva kuti vatsigiri venhabvu harisi basa ravo kuti vataure kuti hutangamiri ngaubve, kwete izvozvo hatizvitambire. Hutungamiri ngausiiwe hwakadaro, chedu kutsigira zvikwata chete zvakadaro,” anodaro Munzira.

Nguva yadarika, rimwe bandiko revatsigiri veDynamos rakakurudzira vatsigiri vechikwata ichi kuti vasaende kunochitsigira kusvikira hutungamiri hwechikwata ichi hwashandurwa.

Asi Munzira anoti nzira yakatorwa nevatsigiri ava handiyo uye inotaridza kurasikwa kwavo gwara.

“Vatsigiri hatifanirwe kurasika kudaro, harisi basa redu kutaura mashoko akadai aya. Isu ngatitsigire chikwata sezvachiri kwete kuda kukonzera nyonga-nyonga, kwete.

“Dai tiri kutsvaga nzira dzekubatsira zvikwata zvedu chete. Zvikwata zvese zvakaomerwa, zvingori zviviri chete zvine mari FC Platinum neNgezi Platinum ndiko saka zvichigara zvichihwina nekuti morarari yevatambi vavo inenge yakasimuka,” anodaro.

Mashoko ake anotsinhirwa nemutungamiri weDynamos Kadoma Chapter, Hurbet Manyowa, achiti nehuwandu hwevatsigiri vezvikwata zvakasiyana – kunyanya Dynamos – vanogona kubatsira nezvakasiyana kusanganisira mari izvo zvinobvisa mutoro unenge une hutungamiri hwezvikwata izvi.

“Isu Dynamos tinoziva kuti tine vatsigiri vakawanda chaizvo, nehuwandu hwedu kana tikati munhu wega abvise $1 kana $0,50c pamwe tinounganidza mari yakawanda chaizvo yoenda kunobatsira vatambi vechikwata chedu.

“Zvino vamwe ndivo vanongona kutaura chete asi tikasvika pakuti ngatibatsirei chikwata havawanikwe ipapo. Basa kukurudzira vamwe kuti vasauye kunhandare kuzotsigira chikwata, zvino zvinobatsirei zvamunenge maita?

“Zvinozivikanwa nemunhu wese kuti seDynamos chaiyo inotorarama nemari yapagedhi saka mukasaenda kubhora kwacho zvino hapana chaichawana, vave kukuvara vatambi manje ivo vatiri kuda kubatsira,” anodaro Manyowa.

Zvakadaro, mumwe mutsigiri mukuru weDynamos, Chris “Romario” Musekiwa, anoti kudzikira kuri kuita chikwata ichi kwave kuda nyasha dzaMwari chaidzo.

“Zviri kuitika izvi zvinowanikwa, zvichadarika, asi zviri kurwadza hazvo wena. Zvave kuda nyasha dzaMwari chaidzo. Hutungamiri hwechikwata ichi ngavape murairidzi wacho Biggie Zuze mari atenge vatambi chaivo uye ngavapewo vatambi mari vafare,” anodaro Musekiwa.

 

Share This:

Sponsored Links