‘Batsirai kupedza kutorwa kwezvinodhaka’

25 Sep, 2022 - 12:09 0 Views
‘Batsirai kupedza kutorwa kwezvinodhaka’ Ziggie the Crusader

Kwayedza

Abel Ndooka

VAIMBI vari kukurudzirwa kuti vatungamire panyaya yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka zvinokanganisa muviri, zvikuru nevechidiki, zvichitevera kukura kuri kuita dambudziko iri munyika muno.

Kurudziyo iyi yaitwa nemuimbi wechitendero – Ziggie Humphrey uyo anonyanya kuzivikanwa nekunzi Ziggie the Crusader – achiti upenyu hwevechidiki vakawanda huri kukanganisika zvakanyanya nekuda kwekutora kwavari kuita zvinodhaka.

“Vaimbi ibasa redu kuvaka veruzhinji nekuvaratidza gwara rekufamba naro. Ngatisangotungamidza mari nguva dzose, asi ngatitore chikamu chikuru mukuparidza shoko rinoshandura upenyu hweveruzhinji.

“Iye zvino tine dambudziko rezvinodhaka iro riri kukanganisa vechidiki zvakanyanya. Saka isu sevaimbi, tikasataura nezvazvo hapana zvatinenge tichiita asi kutosiya vechidiki vachinanga mudondo,” anodaro.

Anoti mapuromota mazhinji ariko mazuva ano haasi kukoshesa vaimbi vari kusimukira sezvo vachida kungoshanda nevane mazita makuru kare chete.

“Sevaimbi, tiri kuchema kumapuromota kuti dai vasimudzira vaimbi vose kwete kutarisa mazita nekuti isuwo tiri kusimuka chishuwo chedu kusvika padanho rave nevaimbi vane mukurumbira.

“Vakatiwanisawo mikana seyavanopa vaimbi vane mukurumbira zvinotibatsira kuti shoko reduwo ratinenge tichiparidza risvike kuvatsigiri vedu,” anodaro Ziggie.

Muimbi uyu anonyanya kuzivikanwa nenziyo dzinosanganisira Anandimenyera Pankondo, Main Actor, Ndinokunda Chete naZimbabwe Tachema ako akaimba mushure memafashamu eCyclone Idai muna2019.

Gore rino, Ziggie akwanisa kuburitsa kambo kanonzi Kunonoka Sandikurega ako kari kufarirwa zvikuru nevatsigiri vake.

Share This:

Sponsored Links