Batsirai mapatya asingataure 

22 May, 2023 - 11:05 0 Views
Batsirai mapatya asingataure  Mai Fadzai Chikondowe nevanakomana vavo mapatya Oswell naOwen Katsande.

Kwayedza

Abel Ndooka

MUDZIMAI anogara kuDzivarasekwa muguta reHarare ari kutsvaga rubatsiro rwekuti vanakomana vake mapatya vane makore matanhatu okuberekwa, avo vasingataure, akwanise kuenda navo kuSouth Africa kunovhenekwa nekubatsirwa padambudziko iri.

Mai Fadzai Chikondowe (40) vanoti vana vavo ava vakazvarwa vasingataure uye ongororo yakaitwa nanachiremba muZimbabwe inonzi inotaridza kuti vane “autism” uye vari “hyper active”.

Mai Chikondowe vanoti mukufamba vachitsvaga rubatsiro rwevana vavo, vakazoudzwa kuti vanokwanisa kubatsirwa nemachiremba ekuSouth Africa uko kunonzi kune muchina wekuvavheneka pahuro vagotariswa kuti chii chiri kuvatadzisa kutaura uye kana zvichikwanisika vorapwa.

Zvinonzi kuSouth Africa vana vanotariswa pamuchina uyu nekurapwa pachena.

Mai Chikondowe vanoti vari kutsvaga rubatsiro rwemari yebhazi yekuendesa kuSouth Africa neyepekunogara nevanakomana vavo vachirapwa.

“Vana vangu vakazvarwa vasingataure, vakazoonekwa nemachiremba kuti vane autism uye vari hyper active. Saka ndakaudzwa kuti ndiende navo kuSouth Africa uko kune muchina wekuvavheneka pahuro paonekwe kuti chii chiri kuvatadzisa kutaura.

“KuSouth Africa, zvacho zvavari kuda kunotariswa zvese zvinoitwa pachena saka ndiri kutsvagawo rubatsiro rwemari yebhazi ndiende nevana kuSouth Africa vanonotariswa nemachiremba,” vanodaro.

Vanokwanisa kubatsira Mai Chikondowe vanoridza nhare panhamba dzinoti 0772 560 841.

Mai Chikondowe vanoti murume wavo, baba vevana ava, akafa mugore ra2021.

Vanoti rimwe dambudziko ravatarisana naro nderekudzingwa pamba pavakasiiwa vachigara nemurume wavo nehama dzemurume idzo dzave kuda kuuya kuzogara pamba apa.

Havana kumwe kwekuenda kwekunogara nevana vavo sezvo vanoti ambuya nasekuru vevana vavo (baba naamai vemurume) vakashaya kare.

Vana vavo vakapihwa nzvimbo yechikoro paZimcare kuDzivarasekwa saka vari kutsvaga zvekare vanokwanisa kuvatengera mayunifomu ekuchikoro nechikafu chekudya kumba.

“Murume wangu baba vevana vakafa mugore ra2021, iye zvino hama dzake dzave kundidzinga pamba paakandisiya ndichigara. Handina kumwe kwekuenda nevana sezvo sekuru naambuya vevana ava vakashaya.

“Izvezvi vana vakapihwa nzvimbo yechikoro paZimcare Trust kuDzivarasekwa asi ndiri kukundikana kuvatengera mayunifomu.

“Kumba hakuna chekubata, chikafu chiri kunetsa, saka vana vakanzwa nzara vanotanga kuridza mhere votanga kutunga madziro nemusoro nehasha. Ini ndinobva ndapererwa ndoshaya kuti ndoita sei,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links