Uncategorized

Batsirai mwana (7) anoda kuvhiiwa mwoyo

31 Aug, 2024 - 14:08 0 Views
Batsirai mwana (7) anoda kuvhiiwa mwoyo

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wekuChitungwiza – Tambudzai Tutayi, ari kukwasha rubatsiro rweUS$85 000 yekuti mwanasikana  wake ane makore manomwe ekuberekwa anovhiiwa mwoyo kuMumbai, kuIndia uye oiswa mumwe.

Mwana uyu, Gladys Marasha (7), akamboedza kubatsirwa pachipatara cheChitungwiza Central Hospital asi zvakaonekwa kuti anoda rubatsiro rwekunze kuti akwanise kuvhiiwa.

“Mwana wangu akangokura achirwara tichingazivi kuti ane dambudziko remwoyo saka zvakatozoonekwa patakaenda naye kuChitungwiza Central Hospital uko akanovhenekwa nemichina vakati ane dambudziko remwoyo (Congestive Cardiac Failure Secondary). Akatombooma mitezo yemuviri ndokurapwa saka iko zvino ava kufamba asi ane dambudziko guru, anenge achingodonha. Machiremba anoti anofanira kunobviswa mwoyo oiswa mumwe,” anodaro.

Vangada kumubatsira vanotumira mari panhamba yeEcoCash inoti: +263 0776407251 inobudisa zita rekuti Tambudzai Tutayi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey