Uncategorized

Batsirai mwana: Anoda US$10 000

29 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Batsirai mwana: Anoda US$10 000 Patience Chiota — Mifananidzo naKimberley Kazungu

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MHURI inogara mumusha weBudiriro 5A, muHarare, yakatarisana nedambudziko guru remwana wayo ane makore mashanu ekuberekwa uyo ari kurwara negomarara rasvika padanho rekuvhara kumeso kwake pamwechete nemuromo nemhuno.

Mhuri iyi iri kutsvaga rubatsiro rwemari inosvika US$10 000 kune veruzhinji yekuti mwana uyu anorapwa kunze kwenyika.
Patience Chiota — uyo anogara naambuya naamai vake — anonzi akatanga kuita gomarara repaziso zvikakonzera kuti abviswe ziso rimwechete.

Ambuya vake, Mai Maria Tipisa (42), vanoti muzukuru wavo akatanga kurwara nemaziso ndokuenda naye kuchipatara uko akanonzi nemachiremba rimwe reziso rake raiva negomarara.

“Akarwara nemaziso gore rakapera apo takaenda naye kuchipatara machiremba vakati ane gomarara repaziso. Vakazobvisa ziso iri mwana ndokusara nerimwe chete,” vanodaro.

Vanoti nekufamba kwenguva, Patience akazotanga kurwadziwa nezino iro akanobviswa zvakare kuchipatara. “Mwana uyu abviswa ziso, takazoona ava kuzvimba muromo nyama ichikura kusvikira zvaita zvamuri kuona izvi. Haachagona kudya sezvo muromo wake wavharwa nenyama yakura iyi. Anogara achingochema, haarare nekurwadziwa uye kudya haakwanise,” vanodaro Mai Tipisa.

Vanoti dambudziko ravakatarisana naro nderekushaya mari yekuti muzukuru wavo anobatsirwa kunze kwenyika. “KuParirenyatwa takangonzi tidzoke naye kumba. Pari kudiwa mari inoita US$10 000 kuti mwana uyu anovhiiwa. Apa ini handishande, kunyangwe amai vake havashande.

“Mwana uyu akarambwa nababa vake nekuda kwedambudziko rechirwere ichi avo vanogara muno muHarare. Iniwo pano ndiri shirikadzi, murume wangu akafa saka hapana kwekuchemera,” vanodaro Mai Tipisa.
Vanoti sezvo muromo wemwana uyu wavharika, vave kumudyisa nepaburi riri pasi pechirebvu.

Mai Tipisa vanoti muzukuru wavo haagone kudya chikafu chakasimba sesadza nezvimwe nekudaro ari kungodya bota dete-dete, zvinwiwa nemahewu.

Vanoti vane vamwe vana vaviri vanoenda kuchikoro avo vanodawo mari izvo zvavaremera.
“Mwana wangu Purity Matanhire ndiye amai vemwana uyu, haanawo chekubata. Baba vemwana uyu vakamuramba kana kuuya kuzomuona havauye. Mumba medu mune nzara yezvekudya, mwana iyeyu haagone kuzvibatsira.

“Tinoda sipo nezvimwe zvakawanda, ndinoti dai Mwari vapindira ruzhinji rweZimbabwe vandibatsira ndawana mari yekuti muzukuru wangu anobatsirwa nemachiremba ekunze kwenyika.”

Denda regomarara riri kutambudza vanhu vakawanda munyika muno vanosanganisira vakuru nevadiki kudarika zvimwe zvirwere.

Kune vanoda kubatsira mwana uyu vanoridza nhare dzinoti 0773 758 522 kana kuisa mari muakaundi yebhanga reCABS ine nhamba dzinoti 1001835638 dzinova dzaMai Maria Tipisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey