‘Batsirai vanotambudzika’

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
‘Batsirai vanotambudzika’ Lovemore Nherudzo

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI weAfro-fusion Lovemore Nherudzo — uyo vazhinji vanoziva saLovezh — anoti zvakakosha kuti vaimbi vabatsire vanhu vanotambudzika muhupenyu hwavo senzira yekudzorera kunharaunda dzavanoshandira.

Lovezh, uyo anofamba nechikwata cheBrave Stars, parizvino akwanisa kutsikisa madambarefu mashanu.

Gore rino chete, akaparura maviri anoti Wenyama Ngaafare naMwari Mupenyu iro achangobva kuparura masvondo adarika.

Lovezh anoti vari mune zvemagitare vanofanirwa kushandisa mukurumbira wavanawo kubatsira vanotambudzika muhupenyu hwavo sezvo vari vamwe vevatsigiri vavo vanoita kuti mhanzi yavo iyende mberi.

“Sevaimbi, kuti tiite mukurumbira watinawo uye tiende kure nemhanzi kana kuenda kune dzimwe nyika, vatsigiri vedu vakasiyana vanomira nesu pazvinenge zvakanaka uye zvakaipa.

Saka isu tinofanirwa kumirawo navo uye kurangarira vanotambudzika muhupenyu.

“Ini ndakaita chitsidzo kuti ndinoda kubatsira vanotambudzika muhupenyu uye ndiri kushanda zvakasimba kuti zvose zvandinowana mumagitare ndigovabatsira nekuti ndivo vamwe vanonditsigira mumagitare,” anodaro Lovezh.

Shasha iyi yakamboshanda nevaimbi vanosanganisira Somandla Ndebele, Mark Ngwazi naJean Masters.

Anoti Suluman Chimbetu mumwe wevaimbi vaanoyemura zvikuru kuburikidza nemashandiro aanoita.

“Vaimbi tinofanirwa kuyemurana uye ini ndinoyemura zvikuru vaimbi vanosanganisira Sulu, muimbi uyo ane chido chekusimudzira vamwe saka tose vaimbi tikabatana kudaro tinosvika kure,” anodaro Lovezh.

Dambarefu rechishanu iro achangobva kuparura rine dzimwe nziyo dzinosanganisira Vana VemuZimbabwe, Mwari Mupenyu naWepamoyo.

Share This:

Sponsored Links