- MaWarriors orwa neKenya
Abel Ndooka
KUNOTSVA demo kugosara mupinyi kunhandare yeMandela National Stadium kuKampala, kuUganda nemusi weChishanu chino uko chikwata chemaWarriors chichabandana neKenya (Harambee Stars) mumutambo wekurwira kuenda ku2025 Africa Cup of Nations (AFCON).
MaWarriors neKenya zvese zviri muboka rimwechete reGroup J umo mune zvimwe zvikwata zvinoti Cameroon neNamibia.
Mutambo uyu uri kutambirwa kuUganda sezvo Kenya isina nhandare iri padanho rinotenderwa neCAF neFIFA kuti itambirwe mitambo mikuru.
MaWarriors ange ari kuUganda svondo rino achiita gadziriro dzawo nemurairidzi mutsva – Michael Nees – uyo ane basa guru rekutungamirira chikwata ichi kuti chigobudirira kuenda kuAFCON.
Pari kusangana maWarriors neHarambee Stars, kachange kari kechishanu mumitambo yakasiyana.
Zvikwata izvi pazvakambosangana mumitambo mina yadarika, Kenya yakahwina katatu uye mumwe wacho zvikaita mangange 0-0 mugore ra2008 apo zvairwira kuenda ku2010 South Africa World Cup.
Gore rino, zvikwata zviviri izvi zvasangana mumitambo miviri apo wekutanga waive wehushamwari uyo wakahwinwa neKenya 3-1 munaKurume.
Kuchiti munaChikunguru, zvakasangana zvekare kuCosafa Cup apo Harambee Stars yakahwina 2-0.
Nees akatanga basa rake nekugamuchira nhau dzinofadza sezvo mutambi weYadah Stars ane mukurumbira − Khama Billiat − svondo radarika akabvuma kudzoka kuzotambira maWarriors.
Billiat akange asendeka shangu dzake dzekutambira nyika mugore ra2021, asi mushure mekuita hurukuro naNees pamwe nehutungamiri hwakasiyana hwenhabvu, akabvuma kudzoka kuzotambira maWarriors.
Asi zvisineiwo – Brendan Joel Zibusiso Galloway – uyo anotambira Plymouth Argyle yekuEngland uye ainge ashavedzwa naNees haana kukwanisa kuzouya zvichitevera kukuvara kwaakaita ari kuchikwata chake.
Galloway kusvika parizvino angokwanisa kutambira maWarriors kaviri chete uye kazhinji paanoshevedzwa pane zvakasiyana zvinomutadzisa kuuya kuzotambira nyika yake.
Pachapera mutambo uyu, maWarriors acharamba ari kuUganda sezvo achashandisa nhandare imwechete iyi apo achasangana neCameroon nemusi weChipiri unotevera