Bembera Padare: Gomo risina hukwiriko

12 Nov, 2020 - 09:11 0 Views
Bembera Padare: Gomo  risina hukwiriko

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena

NZVIMBO zhinji dzemuZimbabwe dzine makomo akasiyana mukukosha nekukura kwawo. Vafudzi vemombe kana vavhimi vanoshuwira kuona kuti imo mugomo macho munombova nechii chaizvo, asi vamwewo vanoshuwira kuti kana vakasvika pamusorosoro pegomo, maziso avo anoona kusvika kupi.

Asi havasi vanhu vese vanokwanisa kukwira gomo kana dai riri pedyo navo, zvikuru kana riri guru. Zvizhinji zvinotadzisa kuti vanhu vakwire mugoma nekugutsa meso avo. Zvimwe zvinovatadzisa kukwira gomo makata kana kuti mukwidza chaiwo, nokuti gomo rinenge riine hurefu hwakanyanya.

Vamwewo ndivo vanotsvedza pakuvavarira kukwira mugomo iri.

Asi vamwe vanotya kutemwa nemabwe anokunguruka achibva mugomo. Mamwe emabwe aya anogona kutouraya munhu.

Zvimwe zvipingaidzo zvinotadzisa vanhu kukwira gomo kutya hurefu nokuti vamwe vanoita dzungu vakakwira parefu. Vanotoda munhu anovabata kuti vasvike kumusoro. Asi vashoma vanogona kuti uku vari kurwisa kukwira gomo, ukuzve vari kubata sahwira wavo anodawo kukwira navo gomo iri.

Asi zvimwe zvinonyanyotyisa kukwira gomo kutya mhuka dzinorura dzinogara mugomo dzakaita sembada kana nyoka dzinovhimawo mbira mumapako emugomo imomo. Kana zvadai gomo rinonzi harina hukwiriko.

Kune zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti vanhu vade kukwira mugomo. Zvimwe zvataurwa kare, asi zvimwe zvinosanganisira kuwana mbiri mudunhu nekuita zvisakaitwa nevakawanda.

Vamwe ndivo vanotsvaga kutonhorerwa mugomo, kunwa mvura yakachena, yakasurudzwa, inotonhorera ichibva mudombo.

Vamwewo vanomanikidzwa kukwira gomo vachitsvaga zvipfuwo zvavo zvinenge zvatatarikira mugomo.Hutungamiri hwemusha, dunhu kana kambani hunogona kufananidzwawo negomo risina hukwiriko. Hutungamiri hwakadai hausvikike.

Vamwe vanoda kupawo mazano kuhutungamiri uhwu asi kuti usvikeko pane zvizhinji zvinotadzisa. Vavariro yevanhu ndeyekuti vabatsirane nekuratidzana gwara rakanaka mudare remusha, dunhu kana kambani. Vakuru pamusha vanenge vakatenderedzwa neminzwa, masoso, nyoka, mbada, kana mabwe aya anokunguruka okutema kuti usavavarire kusvika uchipawo pfungwa dzako kwavari.

Vangadai vari vanachipangamazano kana samunyori, kana ani zvake vanotadzisa kuti vakuru padare vawanewo dzimwe pfungwa dzakasiyana asi dzine vavariro yepundutso.

CHENJEDZO:

Dare rino rinoda kupa yambiro nechenjedzo kuna vose vakuru pamatare kuti vaterere kune vanoda kuti musha ukure, dunhu rikure kana kambani ikure.

Vamwe vakavatenderedza vanotaura zvisizvo kune vakuru nokuti vanotya kutorerwa nzvimbo nedzimwe pfungwa dziri muvadare ivo vakasara vari pachena.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email:

[email protected]<mailto:

[email protected]>

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey