Bembera Padare: Huku ikadya mazai ayo

15 Oct, 2020 - 10:10 0 Views
Bembera Padare: Huku ikadya  mazai ayo

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena

KANA huku ikakandira mazai, muridzi wayo anofara kuti huku dzake dzava kuzowanda. Huku dzinowanda kana dzichikandira nokuti mumazai ndimo munobva huku.

Huku dzinoshandiswa mabasa akawanda chaizvo muupenyu hwevanhu, ndokusaka muzvinahuku achizofara kana dzikakandira mazai.

Mamwe emabasa ehuku kuti kana munyarikani akashanya pamusha, anourairwa huku.

Kana uri muenzi ukaurairwa huku unenge wapihwa ruremekedzo rwukuru.

Ruremekedzo urwu rwukuru nokuti muridzi vehuku nemhuri yake vanogara nguva refu vasingadye nyama iyi kanapo vachikuvara nenhomba yekuida.

Huku dzinogona kushandiswa mukutenga zvimwe zvatisina mumba paye patinenge tisina mari.

Tikapawo munhu huku yaari kuda, isu tinopihwawo bhagidhi rechibage chatisina kana riri gore renzara. Kana zvadai mhuri yave kutoguta, havacharara nenzara.

Huku dzinoshandiswawo pakupururudzira muroora mumusha.

Muroora anokosha mumusha nokuti ndiye anoita kuti rudzi rwukure.

Nokudaro akagashirwa zvakanaka, anofara nokuitirawo zvakanaka kwaaroorwa nokuti aratidzwa rudo achisvika pamusha wake mutsva.

Huku dzinoshandiswa sebhizimisi kuti muzvinahuku awane mari. Vazhinji vanorarama nekutengesa huku mazuva ano.

Huku dzine nyama inonaka kwazvo saka dzichidiwa zvakanyanya. Nokudaro huku dzine mabasa akawanda muupenyu hwevanhu ndosaka muzvinahuku achida kuti dziwande.

Huku imwe chete inogona kukandira mazai anosvika gumi nemashanu.

Zvikafamba zvakanaka, ose anogona kuchechenywa nokuburitsa dzimwe huku dzine huwandu ihwohwo.

Dambudziko rinozouya kana huku yakandira mazai, paya patinofunga kuti yave kuararira, ndipo payave kudya mazai iwayo.

Izvi hazvifadze muridzi nokuti hurongwa hwake hunenge hwatopinzwa musango nekuita kwehuku inodya vana vayo.

Kwaari, huku iyi yatove muroyi anotadzisa mhuri kuti ikure.

Kune vanhu mumisha yatinobva, makambani kana mitunhu vane hunhu hunenge hwehuku inodya mazai ayo.

Vakuru vemisha ava, vanotadzisa rudzi kuti rwukure paya pavanoita hundyire mumisha vachitora zvose zvinofanira kukudza mhuri. Vanoshaisa upenyu kumhuri idzi.

CHENJEDZO

Imi vana samusha, imi vanamuzvinakambani, nemiwo vakuru vematunhu, tarisai maitiro enyu kuti pane pamakasiyana here nehuku inodya mazai ayo.

Zvino huku inodya mazai ayo muupenyu hwevanhu inopiswa muromo kuti itadze kudya mazai ayo. Panoridza mhere mhuri yenyu, ndiko kupiswa muromo kwamuri kuitwawo. Pakuridza mhere kwemhuri yenyu, zita renyu riri kusvibiswa. Zvino tarisai muone kuti zita rikasvibiswa, hapachina chakanaka chichabva kwamuri.

Zita rakanaka ndiro rine yose. Rinowanisa hukama hwakanaka. Zita rakanaka rikashaikwa, zvose zvinodhakwa, sekutaurwa kwazvinoitwa nevadiki.

Musazoti dare rino harina kukuudzai kana miromo yenyu yave kupiswa.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: [email protected] <mailto:[email protected]>

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey