Bembera Padare: Idya uchiziva kuti kuna mangwana

29 Oct, 2020 - 10:10 0 Views
Bembera Padare: Idya uchiziva kuti  kuna mangwana

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena

TICHIKURA, taigaroyeuchidzwa nevabereki kuti kana tichidya tisakanganwe kuti mangwana tichada kudya zvakare. Izvi zvaiwanzoitika kana vanobika vabika chekudya chinopfuura mwero wemazuva ose, zvikuru kana pasina kana mhemberero iri kuitwa pamusha.

Ko taiziveiko nguva yekukura kwedu iyoyo, kuti tichasanganawo nazvo tava vanasaimba, masabhuku, vanamuzvinakambani kana vatungamiriri vematunhu?

Ko zvaimbozivikanwa nani kuti zvose zvakohwewa mumunda zvinoiswa mudura kuitira kuti mangwana tigowana zvakare zvekudya kana mwaka wemaguta wapera? Taifunga kuti zvinhu zvinogara zvakanaka nguva dzose, saka vabereki vari kutitadzira kuti tisadye pamadiro.

Takazoona basa guru redura. Takaona kuti dura inzvimbo inochengetedzwa zvinokosha zvepamusha, zvemakambani, zvemudunhu, kana zvenyika. Apa ndipo patakazoziva kuti vana vanoda kurairwa vasati vakura kuti vaone kukosha kwakaita dura.

Nokuti kana vazokura vave vanasaimba, masabhuku, vanamuzvinakambani, kana vamwe vakuru vematunhu vazive kuchengetedza matura ezvinokosha munzvimbo dzamuri.

Takaona zvakare kuti vana ivava ndivo vachatitungamirira mberi uko tikazotadza kuwana chinhu mumatura edu nokuti zvaiva mudura takazvidya kare, kana kuti takagovera vamwe tafarisa zvedu.

Izvi takazoziva kukosha kwazvo pave paye tatova vatungamiri kare toshaya kuti mhuri dzedu todzipeyi imo mudura musisina kana nechinhu.

Takaona kuti kune matura akasiyana. Mamwe matura ndeezvirimwa zvemuminda, mamwe anotova matanga emombe, mamwezve mabhanga emari, asiwo mamwe ari zvicherwa zviri muvhu, mvura yemumadhamu nenzizi dzedu. Takaona kuti zvose izvi zvinogona kuzoshaikwa mushure mekunge tarara nenzara tisina kudya zvichinzi muzvitoro kana mumatura hamuchisina hupfu.

Zvonzizve kumabhanga hakuchisina mari.

Hanzi mari yakutotengeswa mumigwagwa sematemba mumisika nezvikomana kana zvisikana zvakangwara asi zvisina kumboishandira, ivo vakaishandira vasisaiwane.

Takaona zvakare kuti mvura yekushandisa mudzimba kana mumakambani hakuchina, hanzi dura remvura hapachisina.

Takaona tave murima zvichinzizve dura remagetsi hapachina.

Apa ndipo patakazobata chokwadi chaicho kuti paye patinodya, ngatiyeuke kuti kuna mangwana.

CHENJEDZO:

Isu vabereki vanhasi, ngatigarokurudzira vana vedu kukosha kwedura. Ngatiite izvi tichitangira mudzimba dzedu chaimo, kuititra kuti vana ava vazive kukosha kwematura zvachiri vadiki.

Pavanozokura havazonetseka kuchengetedza zvinokosha zvemisha yavo, makambani avo, matunhu avo, kana nezvenyika yavo pavanenge vave nechimutiwo.

Isu tadzidza zvakawanda pamusana pekukosha kwematura atakazvipazira tega asi totambura nekushaya chekubata isu taimbove nazvo.

Kudya zvose tichikanganwa ramangwana inzara ndakarima.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: [email protected] <mailto:[email protected]>

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey