Bembera Padare: Iwe ukanzi dzipakate handi kunzi dziridze

05 Nov, 2020 - 09:11 0 Views
Bembera Padare: Iwe ukanzi dzipakate  handi kunzi dziridze Wedzerai Nhemachena

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena

VAMWE vangabvunze kuti ndedzipi idzi dziri kunzi dzisaridzwe, uye ari kunzi akadzipakata ndiani? Dare rino rinokurukura nekupa yeuchidzo yehunhu hwakanaka hwemunhu wose ane chekuita nedare remumusha, remukambani kana remudunhu. Mukuru padare ndiye akapakata zvose zvingaite kuti zvinhu zvifambe kana kuti zvisafambe kuna vose varipo.

Vadiki vedu vanoti ndiye ane yese. Zvino, mukutaura kwemazuva ose, mbira ndidzo dzinopakatwa. Asi pamwe pacho mupakati wembira anetenge asingagone kana kudziridza. Vanoridza mbira idzi vamwewo. Chake ndechekuchengeta kuti mbira idzi dzisawane chinodziwana.

Mbira dzinoshandiswa zvakawanda muupenyu hwevatema muZimbabwe. Nedzimwe nguva dzinoshandiswa mukuridza zvemafaro, asi pamwewo dzinoridzwa mumanamatiro evatema vemuno munyika. Deze rembira idzi rinoda kubatwa zvakanaka, nokuti rinogadzirwa kubva padende. Nokudaro deze iri rinogona kupunzika roparara pakare-pakare kana rikasabatwa zvakanaka.

Kuzowana rimwe deze ndipo pane nyaya nokuti vashoma vanorima mazinhanga aya anogadziriswa mateze.

Asi nyaya yekupakata mbira haigumire pambira chete. Mufananidzo unopihwa nerurimi rwedu rwechiShona. Nyaya chaiyo iri pakutsiura vangave iwe kana ini, kureva kuti vanasamusha, sabhuku, muzvinakambani, kana sadunhu chaiye.

Idzidziso huru-huru inofanira kubatwa nemunhu wose, mukuru kana mudiki. Vazhinji vedu vanasamusha, sabhuku, muzvinakambani kana sadunhu, tiri kuridza mbira dzatanzi tipakate chete, mbira dzisiri dzedu. Tiri kupfuudzira mwero webasa redu.

Kana vanhu vakupa chinzvimbo mumusha, mukambani kana mudunhu kuti utarise vanhu nekuona zvinovanetsa, hazvina kunzi vanhu ava vatove vanhu vako. Hazvireve kuti zvinhu zvose, zvingave zviwanikwa zvatove zvako, vaunotungamira vowana mafufu chete, kwete.

Hazvireve zvakare kuti pfungwa dzako dzatopfuura dzevanhu vose mumusha kana mukambani. Vanhu vakupa mbira vangoti iwe ndiwe wovabatira nokupa gwara mushure mokuongoorora pfungwa dzavo dzakawanda kwete kungotora pfungwa dzako iwe chete. Bvuma kutambira pfungwa dzevamwe iwe. Kana vanhu ava vakashaya ruvimbo newe sasamusha, unoshaya chiremerera. CHENJEDZO:

Zvakanaka kuti tizive panogumira simba redu kuti tizive mwero uye tisapfuudzire. Tikapfuudzira, tatoridza dzatanzi tipakate chete. Tikaridza dzatanzi tipakate tinenge tave kuita zvemusoro wedu. Zvino kana tava kuita zvemusoro wedu, tarasika, tapesana nevadare. Kana ruvimbo rwusisipo, tinotorerwa dzatanzi tipakate.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: [email protected] <mail to:wedzerainh@

yahoo.com>

Share This:

Sponsored Links