Bembera Padare: Kusvitsa gore tiri Padare

21 Jan, 2021 - 10:01 0 Views
Bembera Padare: Kusvitsa gore tiri Padare Wedzerai Nhemachena

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena

TICHIRI munguva yekupemberera gore idzva kudai, tinokokwa tose kuti tipembererewo kuvambwa kweDare rino muKwayedza. 

Dare rino sekuzivawo kwenyu, rinogara kamwe chete pasvondo richiongoorora nekupepeta nyaya dzinonetsa zvikuru mukutungamira misha yedu, matunhu edu kana makambani edu. 

Donzvo guru padare rino nderekudzora vane zvinzvimbo kuti vasarase gwara mumisha, makambani, matunhu nemapazi avanotungamira.

Dare rino rinorwadziwa zvikuru vana veZimbabwe vachitukwa kwavanopambara zvekudya kunze kwenyika vachinzi, “Ko imi munotambudzika seiko imi makadzidza zvakanyanya zvinozivikanwa muAfrika yose nekunze. 

“Imi munobata mabasa anoshamisa muchitungamira makambani ekunze zvine mutsindo, asi enyu makambani musingagone. Imi munotadza kugadzira mbatya dzenyu pachenyu nekufundako muchimhanyira dzemubhero dzakambopfekwa nevamwe.” 

Idzi ndidzo dzimwe dzenyaya dzinosvika mudare rino, nyaya dzine udzamo, nyaya dzebudiriro uye dzinovaka. 

Nokudaro dare rakaona zvakakodzera kupemberera kubatwa kwenyaya idzi dzinopa chiedza kumhuri dzedu, makambani edu kunotungamirwa nevana vedu kana vapedza chikoro chavo, nematunhu kana mapazi eHurumende yedu.

Dare rino rinopemberera zvakare kubatsirana neHurumende yedu kudzora vose vanoita zveuori mudzimba, makambani, matunhu kana munyika. Nokudaro dare riri kuita basa guru rekudzora vose vane nhodzera dzehuori. 

Zvakaonekwa nedare kuti munhu kuti anzi mukuru, anotobva nemumhuri. 

Saka dare rino rinotanga kurovedzera kubva kumhuri kwatinobva kunova ndiko kwatinoumbwa nevabereki vedu tisati tabata hutungamiri mumakambani kana mumatunhu. 

Sedare, tinopemberera kuti takawana dzinde rinobva hukuru, dzinde iri richitangira mumhuri dzedu. Kana dzinde risina kuonekwa, dambudziko tinogara naro nekusingapere. Zvino dzinde rakabatwa nedare rino. 

Izvozvo ndizvo zvatiri kukokerwa tose kuti tipemberere mhuri yeZimbabwe. 

Titi kupemberera kuti pekurapa pawanikwa. Chirwere hachigone kurapika kana mudzi wechirwere ichi usina kubatika.

CHENJEDZO:

Dare rakataura kakawanda nekupa nyevero kuti huchapa hwechembere hwakabva kumahumbwe, uye mbudzi kudya mufenje hufana nyina. Kuna vose vaitevera matare edare rino mungapupure kuti dare rino rakapa zvisungo zvekuti vabereki tisu tinoumba hunhu hwevana vedu.

Vanozobatsira vari munharaunda, vadzidzisi, mapurisa, vanasabhuku, madzimambo, matare edzimhosva, mitemo yeHurumende, zvose zvinouya mushure mevabereki. Nokudaro, vabereki tine basa guru rekurera vana vedu zvakanaka kuti paye pavachatungamira vape muenzaniso nekusazvifunga ivo pachavo pakutanga.

Tinopedzisira tichitenda Hurumende yedu nekutaura pachena kuipa kwehuori. Dare rino rinotsigira mharidzo iyi nekutora mukana iwoyu kupemberera dare rino rasvitsa gore richitsiura nekupa chenjedzo kuruzhinji rwemhuri yeZimbabwe. Ane nzeve dzekunzwa ngaanzwe!

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: [email protected] <mailto:[email protected]>

Share This:

Sponsored Links