BEMBERA PADARE: Kutora zvevapfupi nekureba

01 Oct, 2020 - 09:10 0 Views
BEMBERA PADARE: Kutora zvevapfupi nekureba

Kwayedza

Wedzerai Nhemachena

KAZHINJI pamusha pakaita dambudziko, vanhu vanoita tsvagurudzo kuti vaone chapinda mumusha. Nedzimwe dzenguva, vamwe vanotsvaga tsikamutanda, mapororofita kana n’anga kuti vabatsirwe kuona pavasiri kuona nemaziso avo.

Kazhinjizhinji anoita kuti tsvagurudzo iyi iitwe mukuru wepamusha kana pakambani. Nokudaro tsvagurudzo iyi inobata munhu wose zvake pamusha apa asi ichisiya vanyakutuma aita kuti tsvagurudzo iyi iitwe.

Pfuma inobuda zvakanyanya vanhu vachiita tvagurudzo iyi asi chabuda chinogona kushaikwa. Chinoshaikwa nokuti hapana ambovhenekawo vanyakutuma kuti tsvagurudzo iyi ibate naivowo. Mhedzisiro, pfuma inopera vanhu vachitambiswa bhora risina mweya nevakangwara.

Ruzhinji rwunozopepuka pava paya kuti inga pane vamwe vasina kutariswa mutsvagurudzo, vaya vanyakutuma. Vazhinji vedu hatizodzoka kuna nyakutuma tichimuudza kuti tsvagurudzo haisati yaitwa kuhutekwatekwa nezvikonzero zvakawanda.

Chekutanga, hutekwatekwa ndihwo hunoburitsa pfuma yekuti tsvagurudzo iitwe. Iyi ndiyo zvakare pfuma inoita kuti vawane mihoro yavo. Kuti vachitaura kuti kumwe kwese taita tsvakurudzo kwasara imi hutekwatekwa, vanotya kudzingwa basa iri vakashaya chouviri.

Chechipiri, tinofunga kuti zvavari ivo vatangisa kuti basa iri riitwe, ivo vakachena. Asi zvatinoona, zvatinoverenga mumapepanhau nezvatinonzwa, hazviratidze kuti ruzhinji rwehutekwatekwa uhwu rwakachena.

Chetatu, tinoti zvavari ivo varidzi, havangaite zvisizvo pamusha kana pakambani. Apa ndipo patinenge taigochera pautsi.

Nyama ikagocherwa pautsi haiibve. Inoita seyaibva, asi iyo iri mbishi. Humwe hutekwatekwa hwemisha yedu, makambani kana matunhu humbishi chaizvo.

Chinozongoshamisa ndechekuti hutekwatekwa hunoonekwa huri mberi-mberi pakupunza misha. Vari pasi dzavo nyaya ndedzekutungana kwembudzi kana tava kufananidza nedzinokoromorwa nevakuru padare remusha. Ko izvi zvinoreveiko? Zvichida ndipo paye panonzi huku yadya mazai ayo.

CHENJEDZO

Zvakanaka kuti panoitwa tsvagurudzo, pave nehurongwa hunonobata munhu wose pamusha, pakambani kana mudunhu. Izvi zvinobatsira vaya vananyamasimba vanotora zvevapfupi nekureba vonyepera kuve nerudo pamusha, pakambani kana mudunhu ravo nekukoka vanaTsikamutanda, maporofita kana n’anga kuti musha ucheneswe nyamba vari ivo vasvibisa musha, kambani kana dunhu.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: [email protected]

Share This:

Sponsored Links