Bembera padare: Mutemo unobata munhu wose

12 Mar, 2020 - 15:03 0 Views

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena

Zvakanaka kuti zvibude pachena kuti munhu haasi Mwari, nokudaro munhu anokanganisa kakawanda.

Zvino munhu ane hanganwa kana kuti anoita zvinhu nemaune kuti asarambe achikanganwa kana kuita zvinhu zvisirizvo nemaune, anogadzirirwa mitemo inomuyeuchidza kuti akadarika mutemo anorangwa. Naizvozvo mutemo unofanirwa kutevedzerwa nemunhu wose.

Kana pachigadzirwa mutemo, haunzi uyu ndewangana, uyu ndewanhingi. Kana mutemo uchisarudza, mutemo iwoyo wakamonyoroka nokuti une rusaruro, nokudaro unofanirwa kugadziriswa. Mutemo wakadaro ukasagadziriswa, zvine dambudziko mangwana.

Kune avo vanotungamira matare emumisha kana emumakambani nehumwewo hutungamiriri, vanofunga kuti mitemo inosunga chete avo vari pasi pavo. Zvino, chokwadi ndechekuti mitemo inodzikwa kuti ibatsire munhu wose, mutungamiri nemutungamirwi kuti munhu wose aite zvinotarisirwa mukurarama kwevanhu.

Chimwe chokwadi ndicho chinoti hakuna munhu anozvarwa ari pamusoro. Zvinotozouya, uye hukuru hunobva pane mumukuru wanhasi huchienda pane wamangwana. Vazhinji vedu tinopakanganwa ipapa tichifunga kuti nhasi zvandirini mukuru mumhuri, muchechi kana pakambani, ndicharamba ndiine chimuti.

Chimuti ichi ndechemutambidzanwa.

Izvi zvinoreva kuti iwe sasabhuku wemusha nhasi, ukadzika mutemo wakaoma, uchakuomerawo mangwana pauchakururira husabhuku kune mumwe achauya mushure mako.

Chimwezve chinhu ndechekuti vakuru tinokundikana kuraira mhuri dzedu, vehukama, kana vadiwa vedu kuti kana ndiri ani zvake muuhukama hwedu neuyo ari pamusoro, hazvitiitewo vatungamiri nokuti hukuru hauzadzanwe semhezi. Vazhinji vanoshoresa hama yavo mutungamiri nokuita zvisingatomboitwa kana naiye mutungamiri pachake nokuti vanoti, “Unoziva here kuti ndini ani?”

Iyi inzira chete yekutyisidzira nayo kuti munhu awane zvaanoda achisvibisa zita rasabhuku. Masabhuku mazhinji apera kunyeperwa nevehukama pahutungamiri hwavo. Izvi zvinovengesa sabhuku, asi sabhuku haazvione izvi nokuti vepedyo vake vaanovimba kuti vachachengetedza husabhuku hwake ndivo vanomurima musana.

Musha, dunhu kana kambani chaiyo inobudirira nepai kana dzinza rose rave kutungamira nokuita zvavanoda vachihwanda nerokuti baba, sekuru, mukoma, kana ambuya ndisabhuku?

CHENJEDZO:

Nokudaro, munhu wose ngaazive paanogumira. Ukatadza kuziva pekugumira nerimwe zuva gava richadambura musungo ukanyadzisa hama yako ine husabhuku, pamwe nekunyadzisa dzinza rose. Veruzhinji mumusha kana mukambani vanochengeta zvose zvatinovaitira isu vatungamiri nehama dzedu. Vanozozvishandisa seumbowo mangwana. Dare rino rinoyeuchidza tose tine husabhuku hwakasiya-siyana kuti tingojairira kuchengetedza mitemo yatakadzika mumusha medu, mudunhu kana mumakambani edu.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey