Bembera Padare: Usarasike, ita rako basa

10 Sep, 2020 - 10:09 0 Views
Bembera Padare: Usarasike, ita rako basa Wedzerai Nhemachena

Kwayedza

Wedzerai Nhemachena

KANA vanhu vachifamba rwendo rwavasingazive kuti vari kuenda kupi, vachinoitei ikoko kwavari kuenda, nokuti ndiko kwakatarisa tsoka dzavo, manhenda vadzoka vanhu ivavo. Mune kumwe kutaura vanhu ava vanonzi vatatarika.

Vanhu vakatatarika vanoshaikwa, havadzoke kumusha nokuti vanenge vabatwa nechidzimira. Chidzimira chikakubata unopfuurira pamba pako usisapazive.

Chidzimira chinowanzobata vanhu vagarisa vasingashanyire hama dzavo kumisha yavo nokuti vanenge vagarika zvakanyanya. Chidzimira chinobata zvakare vanhu vanongofamba vasina chinangwa chaicho vachida kungofurwa nemhepo musango, wanike vapfuurira nekupinda munzvimbo dzavasingazive. Chinobatawo vaye vanovarairwa vorasa chinagwa chavo mudzimba dzavo kana mumabasa.

Vamwe vanhu vanodokerwa kwavashanya vachivarairwa nokukanganwa kuti vanoda kudzokera kudzimba dzavo nguva iripo. Vakanzi chirarai mozoenda kwachena vanopikisa vachiti kunze kuchakachena. Chinozoshamisa ndechekuti mangwana kwayedza kunotumwa nhume kana kuti munotambira mashoko vachivhunza kuti ngana uya akazorara kumba kwenyu here nokuti haana kudzoka kumba sekuvimbisa kwaakanga aita. Imi munoshamiswa nazvo.

Vanhu vakava nemunhu anoyeverwa mudzimba kana mumakambani kudzoka kuchinangwa kunonetsa. Vatungamiri vazhinji vanorasa chinangwa nekuyeverwa nezvinhu zvidiki uye zvisina basa. Vanomhanya nezvidikizvo vachisiya chinangwa. Vanopindira mumabasa asiri avo vachisiya ravo basa. Mhedzisiro ndiyoyo yekuti ravo basa hapana anenge ariita, uye vatadzisa vamwe kuitawo ravo basa nemhaka yekupindira mubasa risiri ravo.

Ko chamanyanya kufarira kubasa risiri renyu chiiko nhai?

Pauri ipapo sedungamunhu, zvinzvere kuti zvauri kuita hausi kuyeverwa nebasa revamwe uchisiya rako risina kuitwa here zvimwe ungayeverwe nezvisiri zvako ukakanganisa vamwe mumabasa avo uchisiya rako risina kuitwa.

Kana ukayeverwa nebasa revamwe unotatarika ukazoshaya nzira yekudzoka kumba.

CHENJEDZO:

Ngatitarisei zvinagwa zvedu mumabasa edu kuti tichiri kufamba nazvo here nguva nenguva. Ko kana tichifamba nazvo chaita kuti zvinangwa izvi zvirasike chii? Ukashaya mhinduro, ndiwe warasika pamusha kana pakambani. Wayeverwa nezvisiri zvako zvekuti hauchatozivawo kuti sei. Ukaona uchingoenda kwakatarisa tsoka dzako iwe usina kuronga kuendako, ibva wadzoka nekukurumidza.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: [email protected] <mailto:

[email protected]>

Kana ukayeverwa nebasa revamwe unotatarika ukazoshaya nzira yekudzoka kumba.

Share This:

Sponsored Links