Bembera Padare: Zvikomo zvinopanana mhute

17 Dec, 2020 - 11:12 0 Views
Bembera Padare: Zvikomo zvinopanana mhute

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena

SVONDO rino dare riri kufamba nedonzvo rekugoverana mhute kunoita zvikomo zvakavakidzana. Kune vaye vane mukana wekuona zvinoitwa nemakomo ari pedyo navo, tinoona kuti kana gomo rimwechete rikaita mhute, rimwe racho rinopakurirawo mhute iyoyo kune risina. Kana zvadai, makomo anobva akwidibirwa nemhute zvekusara pasisina mutsauko. 

Dai zvikomo izvi vaive vanhu, vaisaitirana shanje nokuti vanenge vaenzaniswa. Nekudaro vakuru vedu kanapo zvavo vaisanyora dzidziso yehutungamiri mumabhuku kana magwaro atinoverenga nhasi uno, vaigona kuchengetedza dzidziso idzi muzvirehwa-rehwa zvemutauro wedu.

Zvino shungu dzanasorojena ndedzekuti vanhu vadzidze kutungamira kwakanaka kusina njodzi asi kune pundutso mumhuri, mudunhu kana mukambani. 

Sezvataurwa nedare pakuparura nyaya ino yekupungurirana mhute kunoita zvikomo zvivakidzani, isu semhuri, sedunhu kana sekambani, tinogona kudzidza nekubatawo nyaya iyi tikabatsirika mukugara kwedu.

Vamwe tingade kuzivawo kuti kukamurirana mhute kuita sei chaizvo kungabva kwatogarirwa dare sezvizvi. Kukamurirana mhute inyaya huru chaiyo inotoda kugarirwa dare sezvizvi nokuti zanondega akasiya jira mumasese. Vazhinji mukati medu vakasiya machira mumasese nokuti vaifamba vega vaine humbimbindoga. Zvimwe zvinhu zvinoda kubatsirana, kugoverana pfungwa nekuyeuchidzana. Mukuvarairwa ikoko zvimwe zvinhu zvinoenda musango chaimo tikavhiringidza mhuri dzedu.

Kana tagoverana pfungwa dzinovaka mhuri dzedu kana makambani edu, zvinoreva kuti paya patisingaone tiri toga, mumwe anopaonawo. Kana tadaro, jira harichasara mumasese. Munhu anogeverana nesu pfungwa dzekuvaka musha, ndeuya anotida nokuti haadi kutirega tichipinda musango.

Kana vadare varasika, dare rabva ratoenda mudondo. Asika kana tagoverana pfungwa nokudzipepeta, nezvinotaurwa padare zvichavaka mhuri, kambani kana matunhu.

CHENJEDZO:

Zvizhinji zvinotibatsira muupenyu hwedu ngatitarise zvakanaka zvinobva muhunyanzvi hwaivo Nyadenga kuti zvinombozvifambisa sei. Kana tadaro tinowana hunyanzvi hwakazara sezvaiita vanasorojena vakare kunyikadzimu vachitisiira nhaka huru iyi inotibatsira mumhuri dzedu, matunhu edu, nemakambani edu nanhasi uno.

Ngatisatarise kure-kure nesu asi tikatarisa mune zvakatikomberedza semakomo iwaya nezvimwe zvakaita senzizi tinotogona kupona zvikuru. Nyika zhinji dzakabudirira dzinotorawo maitiro iwaya mukugadzira zvikwanisiro zvavo. 

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: [email protected] 

Share This:

Sponsored Links