Bepanhau reKwayedza Dzidza rauya!

27 Jan, 2023 - 17:01 0 Views
Bepanhau reKwayedza Dzidza rauya! Kwayedza dzidza

Kwayedza

Munyori weKwayedza

KWAYEDZA, iyo inove rimwe remapepanhau ari pasi pekambani huru mune zvenhau munyika muno, yeZimpapers, yaburitsa bepanhau idzva rezvedzidzo bedzi rinonzi Kwayedza Dzidza.

Bepanhau iri rakanangana nekubatsira chidzidzo cheShona kuvana vechikoro kubva paEarly Childhood Development (ECD) kusvika Fomu 6, varairidzi nevabereki uye richabuda kamwe chete pamwedzi.

Mupepeti weKwayedza, Patrick Shamba, anoti: “Mushure mekunzwa chikumbiro kubva kuvana vechikoro, varairidzi nevabereki chekuti tivape zvinyorwa zvinobatsira muchidzidzo cheShona, taona zvakakodzera kuuya nebepanhau reKwayedza Dzidza.

“Mubepanhau iri munowanikwa zvine chekuita nedzidzo bedzi uye richawanikwa nyika yose pamwe chete nepadandemutande kuitira vaya vari kunze kweZimbabwe. Tinovimbisa vaverengi nevatsigiri kuti tichagutsa zvido zvavo.”

Share This:

Sponsored Links