Kingstone Mapupu
MURUME ane makore 24 okuberekwa wekwaChivi, kuMasvingo, akasungwa nemhosva yekubata chibharo mumwe mudzimai uye nekumubira nharembozha yake mushure mekumupindira mumba arere nemwanakomana wake munguva dzemanheru.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanoti nguva pfupi yadarika, Walter Ngwenya anonzi akapwanya gonhi repamba paive parere mudzimai uyu nemwanakomana wake.
“Murume anonzi Walter Ngwenya pakati pehusiku akanopinda nechisimba mumba maiva murere mudzimai wemakore 25 ekuberekwa aine mwana wake mukomana wemakore 11. Murume uyu aiva nedanda iro akavhundutsira naro mudzimai uyu akamuvheneka netochi achiti amupe mari,” vanodaro Insp Dhewa.
Mudzimai uyu anonzi akataura kuti aisava nemari zvikaita kuti Ngwenya amurove mumusoro nedanda kakawanda.
“Panguva iyi, murume uyu akabata mudzimai uyu chibharo. Mudzimai uyu akazoongorora mavanga aiva pamuviri wemurume uyu apo akabuda panze kunozvibatsira,” vanodaro Insp Dhewa.
Vanoti panguva yakabuda gororo iri panze richida kunozvibatsira, mudzimai uyu nemwanakomana wake vakabva vawana mukana wekutiza nepahwindo ndokunohwanda musango vachimirira kuzotsvaga vanhu vekuvabatsira.
“Walter Ngwenya akazodzoka mumba umu ndokuwana musisina munhu achibva aba nhare nhatu ndokuenda nadzo,” vanodaro Insp Dhewa.
Vanoti mudzimai uyu akazozivisa vamwe vanhu, nyaya iyi ndokumhan’arwa kumapurisa zvikazoita kuti Ngwenya asungwe uye akazivikanwa nekuda kwemavanga aainawo.
“Walter Ngwenya akanosungirwa kumba kwake azivikanwa nemavanga ari pamuviri wake. Nhare dzose nhatu dzakawanikwa uyewo musungwa uyu anotarisirwa kupinda mumatare edzimhosva munguva pfupi iri kutevera. Tinokurudzira veruzhinji kuti vamhan’are mhosva nenguva kuitira kuti umboo huwanikwe,” vanodaro Insp Dhewa.
Vanokurudzirawo vanhu vane mhosva dzavanoziva dziri kuvanzwa munharaunda dzavo kuzivisa mapurisa kuburikidza nenhamba dzinoti 263392264421 kana 0775 996 945.