Bhizimusi renhabvu rakaoma: Mubaiwa

26 Jun, 2014 - 16:06 0 Views
Bhizimusi renhabvu rakaoma: Mubaiwa KENNY Mubaiwa

Kwayedza

KENNY Mubaiwa

KENNY Mubaiwa

SACHIGARO weDynamos FC, Kenny Mubaiwa, anoti chikwata chavo chiri muhurukuro nekanzuru yeHarare kuti chikwanise kudzokera kunoshandisa nhandare yeRufaro Stadium mumitambo yemuligi zvichitevera kudzikira kwevatsigiri vari kuuya kuzoona mitambo yavo kuNational Sports Stadium.
Makore adarika, DeMbare sezita remadunhurirwa reDynamos, yaizivikanwa ichishandisa nhandare yeRufaro Stadium iyo iri kuMbare muHarare asi gore rino yakabva ndokutanga kushandisa National Sports Stadium.

Zvisinei, zvinhu hazvisi kufambira chikwata ichi zvakanaka kunhandare iyi sezvo vatsigiri vari kubhadhara kuzoona mitambo yacho vari kudzikira zvikuru.

Mubaiwa anoti chikwata chavo chiri kushamisika zvikuru nekuderera kuri kuita vatsigiri vari kuuya kuzoona mitambo yavo saka parizvino vave kumhanya-mhanya kutsvaga nzira dzekuti vagadzirise dambudziko iri.

Kudzikira kwekutsigirwa kwenhabvu kwakaonekwa svondo radarika apo Dynamos yakasangana neHighlanders mumutambo weligi reCastle Lager Premiership.

Mutambo wezvikwata zviviri uyu  unozivikanwa nevazhinji uchipindwa nevatsigiri vakawanda uye kare vamwe vaitotadza kupinda munhandare nekuzara asi svondo radarika nhandare iyi yainge isina kuzara sezvinotarisirwa.

Mubaiwa anoti nhabvu ibhizimisi asi parizvino harisi kufamba zvakanaka nekuda kwezvikonzero zvakasiyana zvakafanana nekushaikwa kwemari nevatsigiri uye nekuda kwemitambo yeWorld Cup iyo iri kutambirwa kuBrazil parizvino.

“Nhabvu ibhizimisi asi parizvino zvinhu hazvisi kufamba sezvataitarisira.
“Kana zvisingafambe totsvaga zvimwe zviri nani kuti tiite mari, saka isu tave kutsvaga kuti togadzirisa sei dambudziko iri.

“Chandinoona ndechekuti mari yacho hakuna, iri kunetsa kuwana uye World Cup iri kutambwa kuBrazil iyi iri kutikanganisa zvikuru sezvo iri kutitorera vatsigiri vedu vese.

“Asi isu tiri kumhanya-mhanya kuti togadzirisa sei dambudziko iri nekuti nhabvu ibhizimisi ndizvo zvatinouyira kubasa mazuva ese,” akadaro Mubaiwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey