Uncategorized

Bhodho renyama bheu, mufaro hwa!

10 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
TAIVE nemabiko uye mhuri yese yakanga yakaungana pamusha. Nyaya dzakanga dzichitsva, vanhu vachiseka uye madzimai achiita chikuwe.

Nyangwe zvedu takanga tichifara kuti taive tawana nguva yekusangana nekuwadzana  semhuri, chinhu chaicho chakanga chichiwedzera mufaro muvanhu vese raive sadza rakanga richibikirwa mumabhodho makuru.

Parutivi pebhodho resadza paive nebhodho renyama yehuku yakanga ichituhwina mugungwa remuto unobwaira-bwaira kunge magetsi emota zhinji muguta reHarare kana ave manheru.

Nyama yehuku iyi yainhuhwirira zvekuti mwoyo yedu yakanga yangofanana nembwa dzaive dzisisagone kugara pasi, dzichingotenderera dziri pedyo.

Muto wacho patakanga takwanisawo kuudongorera, waive muto mukobvu wakagukuchira tuhanyanisi, tukerotsi, tubhinzi netumwe tunowedzerwa munyama. Pakadai, dai Esau wemuBhaibheri wekutengesa hudangwe nekuda kwemuto aivepo, aiti ndiitei zvenyu muranda wenyu nekusingaperi chero mandipa huku nemuto.

Zvino, nguva yatakanga takamirira tese yakasvika. Ini nevamwe musi uyu takaita vanaMushambarichakwata.

Sadza rakasara ropakurwa isu tatogeza maoko kare.

Panguva dzakadai ndipo pamunenge musisade kunzwa muyenzi achiti gogogoi, nekuti anotofanana naSatani apinda muchechi panguva yekudya muviri waShe.

Sadza rakapakurwa, ambuya vachibva vapindura bhodho renyama kekupedzisira vasati vatanga kuripakura.

Asi pavakati kekutanga pindu, kechipiri havana kuzobudirira. Bhodho renyama rakatsvedza kubva papfihwa richibva ranobheurira nyama nemumoto muchoto.

Nyangwe zvazvo ambuya vakanga varidza mhere yemunhu arasikirwa, dai vakapinda muhana dzedu vainzwa tsitsi nekuwanda kwezvitunha zvakaurayiwa nekubheuka kwebhodho. Kurasika kwemuto nenyama kwakadzima moto, kwakadzima mufaro wese zvekuti hapana akakwanisa kunyaradza kana kusimbisa vamwe.

Takazodya zvedu nenyama yakanga yaburwa mumadota, uye ichirumira. Ndakati ndega ichokwadi kuti hazvisi zvese zvaunotarisira kuwana zvaunowana.

Ichokwadi, unogona kubvarukirwa nebhegi uri mukati meguta zvekuti zvese zvinenge zviri mubhegi zvinobva zvati bvururu pasi.

Unogona kufanana nemunhu akatizwa neTrolley yakazara zvinhu paabuda muchitoro. Trolley kungokunguruka yega ichienda kwainoda zvekuti inonodhumhira ichirasa zvese zviri muTrolley.

Tsaona hadzirongwe, uyewo nesu ngatizive kuti zvatinoda kana zvatinoronga hazvifambe sezvatinenge takaronga nguva dzese.

Rimwe gore vamwe amai vandaishanda navo vakashaya pekupinda pitikoti yavo yangodonha yega kubva mukati medhirezi pakazara vanhu. Tsaona hadzipere uye zvatinoda hazvisizvo zvinoitika nguva dzese.

Kuna VaHebheru kwakanzi, “Ngatiswederei tisingatyi pachigaro choushe chenyasha, kuitira kuti tigogamuchira ngoni uye tigowana nyasha, tibatsirwe panguva yokushayiwa.”

Nguva dzekushaiwa dzinotoda nyasha. Unogona kufunga kuti wasvika, asi iwe watorasika. Unogona kufunga kuti wachiwana, iwe watowacha.

Kana bhodho renyama rabheukira mumoto, hazvireve kuti Mwari vatisiya. Asika, VaRoma inoti, “Nokuti umambo hwaMwari hahuzi zvokudya kana zvokunwa, asi kururama norugare uye nomufaro muMweya Mutsvene.”

Ngatisarasikirwe nerugare nemufaro nekuti bhodho rabheukira mumoto. Mwari vanongoramba vari Mwari akatinakira munguva dzakashata nenguva dzakanaka.

Muhupenyu tinogona kufunga kuti zvatiri kuda ndizvo zvega zvine basa, asi tichikanganwawo kuti kune vamwewo vasiri kuda zvatiri kuda. Kukundwa musarudzo kunowanika nekuti hakuna sarudzo dzinonzi vese vanga vachikwikwidza vahwinha.

Pawanga uchiti uchadya, unogona kuzopedzisira wadya zvimwewo zvisiri zvawanga uchifunga kuti uchadya. Bhaibheri rinotaura kuti nyika ino nekuzara kwayo ndeyaMwari. Ivo Mwari ndivo vatinoudzwa naDhanieri kuti: “Zita raMwari ngarirumbidzwe nokusingaperi-peri; uchenjeri nesimba ndezvake. Anoshandura nguva nemwaka; ndiye anogadza madzimambo uye ndiye anoabvisa.”

Nesu ngatigashire zvatapihwa naMwari tipfuurire mberi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey