Uncategorized

bhokisi rine chitunha ‘boom’!

07 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
bhokisi rine chitunha ‘boom’! Mutendi Kaseke — Mifananidzo naTariro Kamangira

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VANHU vaiva parufu rwemumwe mukadzi mubhuku rekwaJakopo, kwaMangwende, kwaMurehwa, vakasara vaoma mate mukanwa apo bhokisi raiva nechitunha rinonzi rakatsemuka, mutumbi ukasara uri pamhene.

Mutumbi uyu unonzi wakangotanga kufuta chinguvana uchangopinzwa mumba, bhokisi richibva ratanga kurira ndokutsemuka pakarepo.

Mashura aya ari kunzi akaitika parufu rwaFelistus Kaseke — uyo asina kuziviswa makore ake ekuberekwa — asi akafira kwaMutare, mutumbi wake ndokuzoendeswa kumusha kwake kwaMurehwa uko wakanovigwa.

VaMutendi Kaseke (81), avo vanova baba vaFelistus — uye vanoti vaimbova n’anga “yaizivikanwa muZimbabwe nekunze” — vanotsinhira nyaya yekutsemuka kwebhokisi raiva nechitunha chemwanasikana wavo vachiti ichi chishamiso chikuru.

“Nyaya yamavinga iyi ndeye chokwadi, yakaitika bhokisi raiva nechitunha chemwana wangu rakatsemuka mutumbi ukasara uri pachena.

Sabhuku Jakopo

“Ini ndakaerekana ndavingwa nevana vangu vemukadzi mukuru kunova ndiko kwakaberekwa azokafa uyu vachinditi Felistus afira kwaMutare kumba kwemukoma wake, mumwe wevana vangu. Hurwere handina kunzwa nezvaho, mutumbi wakazouya ukapinzwa mumba apo ndakazongonzwa kwave kunzi bhokisi ratsemuka, chitunha chasara pachena,” vanodaro.

Vanoti vakazopinda mumba umu vakawana chokwadi bhokisi rashama, chitunha chichitooneka, chivharo chepamusoro chose chavhurika.

VaKaseke vanoti havazive kuti sei ivo sababa vasina kubvira vanzwa nezvehurwere hwaFelistus.

Felistus anonzi akangorwara nemabayo nemuchipfuva achibva ashaya.

“Vanasikana vangu ndakazonzwa nguva iyoyo vachiti Felistus afa aine shungu, ndokuti kumumwe muzukuru wangu mwana wemukoma wemufi (zita tinaro) areurure achinzi aitukana nemufi uyu. Muzukuru uye akazoita izvi achikumbira ruregerero kumufi, ndokuzoripa $5,” vanodaro VaKaseke.  Vanoti madzitezvara avo vanasekuru vaFelistus vekwaMutandwa vakazotsvaga tambo newaya ndokuzosunganidza bhokisi iri kuti mutumbi ukwanise kugara mukati maro ndokuvigwa zvakadaro.

“Takazoviga mutumbi wemwana wangu tiine kukahadzika nekuda kwechiitiko ichi. Zviri pachena kuti Felistus akafa aine shungu.

“Tiri parufu ipapo, vadzimai vangu vakuru vakarwara vakatozoendeswa kuchipatara kuHarare. Zvose izvi zvakatiita kuti tifambe tichinobvunzira chiitiko ichi.

Mbuya Marita Ried — Mifananidzo naTariro Kamangira

“Takafamba kumaporofita kukabatwa nyaya yekuti ndakakanganisa apo ndakapisa machira nehakata dzangu netsvimbo nezvimwe zvinhu zvandaishandisa ndichiri n’anga, hun’anga hwangu hwemadzitateguru ndokunzi shavi iri rakashava ndikakwanisa kuendesa vana kuchikoro nekuitawo zvimwe zvinhu zvakawanda.

‘‘Zvakanzi mudzimu waisvika pandiri ndiwo wakakonzera izvi uchiti ‘wave kundirasa nhasi’,” vanodaro VaKaseke.

Vanoti vakataurirwa kuti vainge vaviga munhu mupenyu kuburikidza nekutsemuka kwakaita bhokisi iri.

VaKaseke vane chipari chemadzimai anoti vahosi Stella Kaseke (74) nemudiki Angella Chikwata.

Sabhuku Jakopo, VaReginald Charles Matenga (82), vanoti vakashamiswa nechiitiko ichi apo chitunha chakafuta chikatsemura bhokisi mutumbi ukasara panze.

“Isu takazongonzwa zvaitika, hatizive kuti aiva neshungu dzeiko. Bhokisi rakatosungwa kuti vakwanise kuviga mufi uyu,” vanodaro.

Mbuya Marita Ried vekuChitungwiza vanoti Felistus anogona kunge akafa aine shungu dzakanyanya.

“Izvi zvinoitika bedzi kana munhu afa aine shungu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links