‘Bhora radhakwa’: mitambo yeDynamos, caps haisisina mukurumbira

24 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
‘Bhora radhakwa’: mitambo yeDynamos, caps haisisina mukurumbira Japhet Mparutsa

Kwayedza

Abel Ndooka
SHASHA yakambonetsa ichitamba nhabvu kuzvikwata zvinoti Arcadia United, CAPS UNITED nemaWarriors – Carlos Max – anoti mutambo weHarare Derby pakati peDynamos neCAPS UNITED hausisina mukurumbira sezvawaiita kare.

Svondo rino, nzira dzese dziri kunanga kunhandare yeRufaro Stadimu nemusi weSvondo uko Dynamos ichatamba neCAPS UNITED mumutambo uyu uyo waizivikanwa kare uchinakidza zvekukunda ngoma kurira.

Mutambo wekutanga wakatambwa muna Kubvumbi kuNational Sports Stadium pakati pezvikwata izvi, wakaona Kepe-kepe ichihwina 1-0 uye Denver Mukamba – uyo panguva iyi aitambira CAPS UNITED – ndiye akanwisa chibodzwa ichi.

“Munoona chii? Mutambo uyu mukuru uye kare ndiwo waitoburitsa shasha dzePSL dzegore iroro asi zvasiyana nemakore ano nekuti zvakawanda zvashanduka.

“Kuvatsigiri venhabvu unogona uchiri mutambo mukuru asi kuvatambi havachaukoshese nekuti tinozvionera nematambiro acho, haasiriwo ataiita kare,” anodaro.

Carlos Max

“Kare zvaiyera zvikuru kuti mutambi abve kuCAPS achienda kuDynamos kana kubva kuDeMbare achienda kuKepe-kepe sezvatave kuona izvi.

“Karuvengo kaiita kuti mutambo uyu unakidze kare hakasisipo.”

Kune rimwe divi, shasha yakambotambirawo DeMbare – Japhet ‘Shortcat’ Mparutsa – anoti mutambo uyu kare waibatsira vakawanda kusanganisira vanoita zvekutengesa nekuti pazuva iri vaiita mari chaizvo nekuti nhandare inenge  yakazara nevatsigiri vachiona zvikwata zvavo zvichitatsurana.

Shortcat anoti vamwe vatsigiri havasisina basa nemutambo uyu nekuti hauchanakidze sakare.

“Chandinoona kuti vatambi vacho vaveko ndevepasi ava uye pamwe havasi kunyatsoziva kukosha kwemutambo uyu.

“Kupinda kunoona mutambo unofanirwa kuona musiyano. Asi handizvo zvave kuitika mazuva ano,” anodaro Mparutsa.

Anoti nhabvu yemuno haisi kusimukira sezvinotarisirwa nekuti mapoka ari kubika vatambi emaAcademy ari mushishi yekuvatumira kunze kwenyika vasina kumbotamba bhora muZimbabwe.

“Chokwadi ndechekuti maAcademy ariko aya ari kukanganisa zvikuru nhabvu yemuno, vanoti vakabika mutambi vomutumira kunze kwenyika iye asati ambotamba nhabvu muno.

“Tiri kuda kuti nhabvu inakidze saka vatambi ava ngavatange vatambira muno, vochienda zvavo kunze kwenyika kwacho ikoko vambotamba muno,” anodaro Mparutsa.

 

Share This:

Sponsored Links