Bhudhi (54) ijaya, sisi (50) imhandara  

27 Aug, 2022 - 08:08 0 Views
Bhudhi (54) ijaya, sisi (50) imhandara   Marweyi Mutambara

Kwayedza

Kingstone Mapupu

IMBOONAWO IZVI . . . Mwana mukomana mukuru mumhuri ava nemakore 54 ekuberekwa uye anoti iye nevanin’ina vake VOSE majaya – hakuna ati asangana nemunhukadzi.

Zvimwe chetezvo nevanasikana – mukuru ava nemakore 50 ekuberekwa uye anotsidza kuti iye nevanin’ina vake VOSE imhandara – hakuna ati ambosangana nemurume.

Hanzi zvine chinodaro.

“Ndizvo zvatakadzidziswa nevabereki vedu, kuzvibata.”

Izvi ndizvo zvinotaurwa nevana vaKimpton Mutambara – murume mushakabvu wekwaMutambara, kuChimanimani.

“Baba vedu vakasiya vatitaurira kuti munhu zvibate, usazvitambise usati waroorwa kana kuroora. Isu vakomana tiri majaya muchitiona kudai, kana hanzvadzi dzedu imhandara. Takazara.

Mushakabvu Kimpton Mutambara ane umwe mwanakomana wake, Mwadzirasha

“Kunyangwe madhokotera kana vachida kuuya, ngavauye kuzotivheneka vaone, takazara. Zvinotaurwa nevanhu zvekuti pano tinorara nehanzvadzi dzedu mashoko ekusvibisa. Hakuna zvakadaro, tinodawo kuzova nedzimba dzedu asi tinozvibata
Kunewo vamwe vehukama vanotsidza kuti hatimbofa takamisa dzedu dzimba,” anodaro Matekenya uyo anova mwana mukomana mukuru waMutambara.

Matekenya Mutambara

Hanzvadzi yake Marwei inotsinhirawo: “Ndava nemakore 47 ekuzvarwa asi ndakazara, ndiri mhandara ipo pandiri pano. Handiite zvevarume kana kutombofunga nezvazvo.”

Matekenya anoenderera mberi achiti, “Takaberekwa tiri gumi, ini ndini dangwe, kouya mapatya Mwadzirasha (50) anova mukomana naMazoda (50) musikana, tina Marweyi (47) anova musikana, Zvipangidzo (44) musikana, Kuzvinyera (42) musikana, Mwadzirerusa (40) musikana, Munyavhi (38) mukomana naMukorangebhachi Sammy (34) mukomana,” anodaro Matekenya.

Majaya nemhandara ava vanobuda pachena kuti havana kumbobvira vakaziva bonde mukurarama kwavo.

Matekenya anoti hapana akambobvira adanana nemusikana pavanakomana vemumhuri yavo uyewo kuhazvadzi dzake zvimwe chetezvo, hapana akambodanana nemukomana.

Mai Tamary Mutambara

Asi amai vemajaya nemhandara ava – Mai Tamary Mutambara (77) – vanoti vanodawo varoora nevakuwasha, kungoti zvinoramba.

“Ndinodawo kuti vana vangu varoore nekuroorwa, asi zvinonzi kune wehukama akavagadzira kuti vagare vakadaro. Izvozvi handina muzukuru pano, ini ndinotoyemura vevamwe,” vanodaro Mai Mutambara.

Mhuri yaKimpton Mutambara igere kuCashel Valley, kuChimanimani – uye yakaita makore akawanda ichirarama upenyu hwakasiyana nevamwe sezvo murume uyu aisada kuona vamwe vanhu pamusha pake.

Asi vanoti upenyu hwayo hwasanduka zvikuru iye zvino sezvo vave kudyidzana neveruzhinji kubvira pakashaika baba vavo.
Mutambara akashaika mushure mekurwara mugore ra2014.

Kwemakore akawanda, murume uyu aingogara nemhuri yake pamusha pake mumahombekombe merwizi Umvumvumvu uye aisada kana kudyidzana neveruzhinji zvekuti aiti akaona munhu anodarika kana kurasikira nekumusha wake uyo wakakomberedzwa neruzhowa, aibatsirana nemhuri yake kumurova zvekumurova zviya.

Mwadzirasha Mutambara

Airova kana vehukama, kusanganusira ambuya vake amai vemudzimai wake avo vanonzi vakamboitwa dititi kudashurwa mushure mekunge vavabvakachira vasina kukokwa.

Gore raitika izvi, Mutambara nemudzimai wake vakaudza bepanhau rino kuti vakava nekutapirirwa vachirova chembere iyi, iyo inonzi yakatobva pamusha apa iri chahwiriri ichitiza.

Vana vaMutambara havaitenderwa kuenda kuchikoro uye hakuna aienda kukiriniki kana arwara, kuchikoro kana kuchigayo.

Vaingogara pamusha apa pasina aibuda kunze.

Aingoedza kubuda airohwa.

Murume uyu anozivikanwazve nekunopika jeri mushure mekunge arova mumwe wevanakomana vake jaya ndokufa apo aimupomera mhosva yekudongorera achida kuona vanhu vaidarika nekunze kwemusha wake izvo zvaaisatendera.

Pakafa mwanakomana uyu, Mutambara nemhuri yake vakangomuviga muberevere memba yekubikira pasina veruzhinji vakazviziva. Nyaya yacho yakazobuda pava paye zvikaita kuti guva iri rifukunurwe nemapurisa, Kimpton ndokusungwa achibva anopika jeri.

Kimpton akafa ava nemakore 84 ekuberekwa apo aigara nemudzimai wake nevana vavo.
Panguva iyi, vemhuri iyi vaingogara pamusha wavo, mvura isingapere vachiitora munaUmvumvumvu pedyo neminda yemadiridziro yeCashel Valley.

Dangwe raKimpton – Matekenya (54) – anoti upenyu hwavo hwasanduka zvichitevera kufa kwababa vavo.

“Ichokwadi tairarama pano pamusha nababa wedu Kimpton zvakanaka chaizvo. Hataida kuona vamwe vanhu vekunze vachiuya – vaisvika kana kurasikira nekuno taivarova.

“Baba vaiva mwana waMambo Mutambara. Taitevedza chivanhu sezvatinoita nanhasi, tose naamai vedu.”

Matekenya, uyo atochena musoro asi achizviti ijaya, anoti pane munin’ina wake akashaika mugore ra1998 mushure mekupfurwa nerekeni nevavengi pamusha pavo ainzi Garamwichiziva uyo akafa aine makore makumi maviri.

Iyeyu ndiye akaita kuti Kimpton anopika jeri.

“Baba vakasungwa vakaenda kujeri nenyaya yekufa kwaGaramwichiziva vachinzi ndivo vaiva vamuuraya. Sekuziva kwangu, akapfurwa nerekeni uye panguva iyi taisaenda kuzvipatara nekuda kwegwara rataitevera kusvikira ronda rekupfurwa rakakura achibva afa isu ndokuviga mutumbi wake pano pamusha uyo wakazofukunurwa,” anodaro Matekenya.

Kimpton nemhuri yake vaigara vasina mbatya svinu, vachipfeka masaga nedzekuruka nemakavi. Vaidya chikafu chavanogadzira voga chinosanganisira hupfu hwekudzvura kubva muchibage, kukuya dovi uye musvutugadzike vachiisa nzimbe seshuga, izvo zvose zvavanorima pamusha.

Vemhuri iyi vaigara zvakare nezvombo zvakaita semiseve nemapfumo kuitira “mhandu dzikauya” sezvo vaisada munhu anodarika nepamusha wavo.

“Zvose izvi zvakapera, tava kuwirirana nevamwe vanotidawo kwete mhandu dzairwisa baba vedu,” anodaro Matekenya.
Anoti pakafa baba vavo, munin’ina wavo wavakaberekwa mudumbu mumwe chete naye akabva avaganhurira munda ndokuvatorera imba yavo yekutanga iyo anonzi ave kudhiritsa achivaka imwe.

“Babamudiki ava vakatanga kutora imba ndokuzogura minda yedu ndokuvhara magedhi kwatinofanirwa kunge tichibuda nako. Nyaya iyi yakaendeswa kuCivil Court zvikanzi babamudiki ava vatore minda iyi.

“Izvozvi tiri kurwiswa nevamwe vehukama sezvavaiita kare baba vari vapenyu pavaitirwisa zvaikonzera kuti tigare pamusha pasina kubuda kunze.”

Matekenya anoti ivo semhuri, vanoda kuti vadzoserwe minda yavo yakatorwa nababamudiki vavo, zvise nemiti yavo yemichero yavakapamba.

“Isu vana tiripo naamai vedu vakasiiwa naba Kimpton, saka iyi inhaka yedu nekuti babamudiki ava vane kumba kwavo kwavaigara baba vedu vari vapenyu. Minda yedu yava midiki apa tinoda kuzvishandira.

“Tinoda kuti nyaya iyi iende kwamambo wedu Mutambara kuti inogadziriswa. Nekuda kwegodo revanhu, mombe dzedu dzakaisirwa muchetura dzikapera kufa. Mwaka wakadarika zvirimwa zvedu zvakatungidzwa nemoto zvikapera kutsva,” anodaro Matekenya.

Anoti vari kurwadziwa nekuda kwevamwe vana vemumhuri yavo vakatorwa nebazi reSocial Welfare baba vavo vachiri vapenyu avo nanhasi vavasiri kuziva kwavari chaiko.

“Tine vana vakatorwa pano pamusha nemapurisa neveSocial Welfare baba vachinzi vaisaendesa vana kuchikoro vanova Mwadzirerusa, Munyavhi naMukorangebhachi Sammy. Vana ava vakatorwa mugore ra1999 uye kusvika nanhasi hatizive kwavari. Tinodawo kuvaona vana ivava.”

Anoti Mukorangebhachi akambouya pakashaika baba vavo achibva angodzokera kusvika nanhasi.

Mai Mutambara vanoti zvinovarwadza kuti vanotadza kuziva kune vana vavo vekubereka kwenguva yakareba kudai.

“Handina mashoko akawanda ekutaura, ndinoda kuzotaura navo vana ava ndavaona nekuti handizive kwavari,” vanodaro Mai Mutambara.

Vamwe vana vemumhuri iyi vanosanganisira Zvipangidzo, Kuzvinyera, Marweyi naMwadzirasha vanotsinhira kuti vanoda kudzoserwa pfuma yavo yavakabvutirwa nehama dzababa vavo uyewo vowana mukana wekuona hama dzavo dzakatorwa idzi.

Share This:

Sponsored Links