‘Bhudhi vanondirova vakandisunga’

03 May, 2019 - 00:05 0 Views
‘Bhudhi vanondirova vakandisunga’

Kwayedza

Milcah Nhakura
MUMWE mupurisa akaendeswa kudare nehanzvadzi yake achipomerwa kuti anomurova senyoka yapinda mumba apo anenge akamusunga nengetani dzebasa uye kumudzinga pamba penhaka yavakasiirwa nevabereki vavo. Catherine Magogo akamhan’arira Petros Magogo kuHarare Civil Court achiti ari kumuonesa pfumvu.

“Changamire, mukaona hanzvadzi yangu ichindirova munogona kufunga kuti haasi mwana waamai vangu, anondirova zvekundirova zviya, senyoka yapinda mumba.

“Akambondisunga nengetani dzekubasa kwake nekuti mupurisa. Andisunga kudaro, ndokundirova achinditi ndibve pamba,” anodaro Catherine.

Anoenderera mberi achiti, “Anondidzinga pamba achiti nhaka yemba ndeyevanakomana saka ini sezvo ndiri musikana, ndinofanirwa kuroorwa ndonogara nemurume. Paakasiya andisunga nengetani, vavakidzani vakatomboedza kumukumbira kuti andisunungure iye akaramba achiti anondisunungura kana ndabva pamba kuzosvika dzimwe hama dzamufonera.

“Ndakamboda kunomumhan’arira asi akandikumbira ruregerero achiti haachambodaro sezvo akati anotya kudzingwa basa pakashandisa ngetani dzekubasa. Asi, ndinoona sezviri kuramba zvichiwedzera.” Petros anoudza dare kuti hanzvadzi yake iri kutaura manyepo.

“Pamusoroi vedare, hanzvadzi yangu inonyepa. Handisati ndakambomurova kana kumutyisidzira. Iye ndiye akatoisa maroja mukamuri yangu yenhaka yakasiiwa nevabereki asi haasi kundipa mari yacho. Imba iyi yagara iri kunetsa nekuti takasiiwa tiri vashanu,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Catherine gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links