Bhuku idzva ‘Chabvondoka’ rokurudzira vechidiki

19 Nov, 2020 - 16:11 0 Views
Bhuku idzva ‘Chabvondoka’ rokurudzira vechidiki Aaron Chiundura Moyo

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

MUNYORI wemabhuku ane mukurumbira, Aaron Chiundura-Moyo, anoti zvakakosha kuti vechidiki vadzidziswe nezvemutauro waamai wakanaka seChiShona uye nhoroondo yenyika ino.
Chiundura-Moyo akataura mashoko aya mushure mekuburitsa bhuku rake idzva rinonzi “Chabvondoka”.

Anoti bhuku iri rakasiyana nemamwe pakuti rinopa nhoroondo yekutorwa kwakaitwa ivhu nevachena pavakatanga kuuya munyika muno sechikwata chePioneer Column mugore ra1890 nenzira isina kumbobvira yashandiswa nevamwe vanyori.

“Bhuku iri ndakarinyora semutambo. Rinonyatsotsanangura kuuya kwakaita chikwata chePioneer Column uye kutanga kutora kwakaita chikwata ichi minda nedzimwe nzvimbo dzine upfumi hwenyika. Bhuku iri rakanyorwa semutambo apo pana mambo anotanga kuwirirana nevachena zvinozoita kuti avarege vachitora ivhu neminda uye nzvimbo dzakakura,” anodaro Chiundura-Moyo.

Anoti mubhuku iri anoburitsa zvakare kushandiswa kwakaitwa Bhaibheri nevachena kutora minda yevanhu vatema muZimbabwe.

“Patiri kuti ‘Chabvondoka’ ndipo pazopepuka vanhu vatema zvino vave kuona kuti vanofanira kurwisa kutora minda yavo yakabvutwa nevachena. Tiri kuona mumutambo umu mune mufundisi ari kushandisa Bhaibheri achiti musarwire ivhu nekuti kudenga ndiko kune upfumi hwose asi vatema vanozopepuka pava paya votanga kurwisa kuti vawane ivhu ravo zvakare.”

Anoti bhuku iri akarinyora semutambo kuitira kuti vechidiki vakasike kunzwisisa nezvaro.

Share This:

Sponsored Links