Bill Antonio atengwa kuBelgium

02 Sep, 2022 - 17:09 0 Views
Bill Antonio atengwa kuBelgium Bill Antonio

Kwayedza

Tadious Manyepo

BILL Antonio ari kuramba achinyora nhoroondo mumutambo wenhabvu muZimbabwe. Mutambi wechidiki weDynamos uyu atengwa nechikwata cheKV Mechelen chekuBelgium.

Antonio anotarisirwa kuenda kuchikwata chake chitsva kunosangana nevatambi vaachange achitamba navo kuchikwata chekuEurope ichi.

Ange achitarisirwa kuongororwa utano hwake asati anyorerana chibvumirano nechikwata ichi apo ave kutanga rwendo rwake rwutsva munhabvu aine makore 19 okuberekwa bedzi. Mutambi akadzidza paPrince Edward uyu akaonekana nechikwata chake cheDynamos ndokuudza vatori venhau kuti ari kutarisira kunodzidza zvakawanda kuBelgium.

Antonio akafarirwa neMechelen zvichitevera kutamba kwaakaita masvondo adarika apo aiongororwa.
Paimbove nefungidziro yekuti mutambi uyu aigona kuzotengwa gore rinotevera munaNdira, izvo zvaigona kuzomutadzisa kuenda kuchikwata ichi izvozvi.

Asi Antonio ava kutarisirwa kunyora chibvumirano chake mukana wekutenga vatambi kuBelgium usati wavharwa.
Audza vatori venhau kuti zvose zvauya kuburikidza nekushanda nesimba uye acharamba achishanda nemwoyo wake wose kuBelgium.

“Zvinhu zvose unofanirwa kutungamidza Mwari. Kuenda kuEurope ndichibva kuDynamos kuita kwaMari kubva pakutanga. Kunamata mazuva ose kunoita kuti zvinhu zviendeke,” akadaro Antonio.

“Rutsigiro rwandange ndichiwana kubva zuva rekutanga handirwukanganwe uye handimbokoshiwa mhuri yeDynamos. Zvaifadza kutamba ndakapfeka jezi ravo, zvinhu zvekuti mutambi wose anongoshuvira. “Iniwo nemakore angu kutambira Dynamos, zvinhu zvekuti handaimbofungira kuti zvichaitika kwandiri, asi unoona kuti naMwari zvose zvinoitika.

“Muupenyu mune zvitsauko zvakawanda, kuenda kwangu kuEurope kutanga kwechimwe chitsauko chitsva uye kuzadzikiswa kwezvishuviro zvemwoyo wangu.

“Ndinovimba kuti ndichabudirira. Mwari haambokurasise, unoziva. Kungoshanda nesimba nekuterera, zvose zvinoita chete.”

Antonio akatanga kutambira Dynamos gore radarika uye angotamba mitambo 28 ndokunwisa kasere achibatsira vamwe vatambi kunwisa ka10.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey