Uncategorized

Bindura yochema nemakorokoza

14 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
Bindura yochema nemakorokoza VaDanny Nyamushamba vachitaura nevagari vemuBindura nguva pfupi yadarika.

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

KANZURU yedhorobha reBindura inoti iri mushishi kutsvaga kumwe kwaingatora mvura yakachena inoshandiswa nevagari vemudhorobha iri sezvo yavari kuwana pari zvino yanyanya kusviba nekuda kwevanokorokoza goridhe munharaunda iyi.

Izvi zvakabuda pagungano rakarongwa nesangano rakazvimirira reInstitute for Young Women Development (IYWD) rekutsvaga nzira dzekuvandudza dhorobha iri pamwe nekudzidziswa kwevanhukadzi nezvechirongwa chekupa matunhu masimba ekuzvitonga munyaya dzebudiriro (devolution).

Pagungano iri, madzimai mazhinji akaburitsa matambudziko avari kusangana nawo, rimwe racho riri rekushaikwa kwemvura kwenguva refu mudhorobha reBindura.

Sangano reIYWD riri kufamba mudunhu reMashonaland Central richidzidzisa veruzhinji nezvekupa matunhu masimba munyaya dzeupfumi pasi pechirongwa cheDistrict Devolution Awareness Forum.

Mumashoko avo, Bindura Town Clerk, VaShangwa Mavesera – avo vainge vakamirirwa naVaJoshua Mauchi vanova development manager mukanzuru iyi – vanoti zviri kuvadhurira zvakanyanya kuchenesa mvura nekuti iri kusvibiswa nemakorokoza ari kuchera goridhe.

“Mishonga yedu iri kukurirwa nemadhaka ari kuuya ari mumvura yatinotora murwizi Mazowe iyo inoshandiswa mudzimba nezvimwe. Mvura iyi iri kuuya iine matope akawanda uye yakatsvuka. Zvasanganawo nekuti mvura iri kunaya ishoma.

“Tinoziva kuti idambudziko kumadhorobha mazhinji panyaya yemvura asi yedu iri kukanganiswa nekusvibiswa kwairi kuitwa,” vanodaro.

VaJoshua Mauchi

Vanoti kanzuru yeBindura ine hurongwa hwekutora mvura kubva kune mamwe madhamu akapoteredza.

Rimwe remadhamu ari kutarisirwa kutorwa mvura ndere Masembura.

Madzimai ekuBindura ari kutsutsumwa nekushomeka kwemvura vachiti vari kupedzisira vonwa mvura isina kuchena.

Vachitaura vakamirira sangano reIYWD, VaDanny Nyamushamba vanoti vanhukadzi vanofanira kuburitsa zvose zvavanoona zvisiri kufamba zvakanaka munharaunda dzavari sezvo zvichibatsira pakuvandudza nzvimbo dzavagere.

“Sangano redu riri kukurudzira madzimai kuti aburitse pfungwa dzavo kuitira panouya chirongwa chedevolution vange vava pachidanho chepamusoro pakumiririra nzvimbo dzavo uye vakwanise kubatsira mukuvandudzwa kwenzvimbo dzavagere. Dambudziko remvura rinobata zvakanyanya madzimai naizvozvo kuburitsa kwavo nyaya iyi – kunyanya paine vekanzuru – zvinoita kuti Bindura ishande ichiziva zviri kudiwa nevagari venzvimbo yavanotungamirira.

“Tinoramba tichikurudzira vanhukadzi kuti vapinde mumisangano yakadai kuti vaburitse pfungwa dzavo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey