
Kwayedza

Tendai Gukutikwa ari kwaMUTARE
MUNYAYA yekumbunyikidzwa inokatyamadza, bishopu weimwe chechi iri kuChimanimani akaviga mwanakomana wake akaremara muimba yakakiiwa kwemakore maviri, achimunyimawo zvinhu zvinokosha zvakaita sechikafu, mvura nembatya uye kumushaisa mukana wekurapwa.
Joseph Nemaramba (21) akawanikwa ari panguva yakaoma – asina kudya, akakonona netsvina uye aine maronda muviri wese – ari muimba yaaive akavharirwa nababa vake, Namatai Nemaramba.
Namatai ndibhishopu wechechi yeZion Sabbath Christian Church.
Joseph paakanunurwa neveruzhinji vachitungamirirwa naMambo Saurombe, akange asisagone kutaura kana kufamba.
Mitezo yake yakakombama uye airatidza kuti ava nemakore achiziya nenzara.
Muhurukuro, tete vaJoseph, Mai Susan Mukocheya Nemaramba vanoti vakapedzisira kuonana nemuzukuru wavo makore apfuura.
Vanoti vemhuri yavo vaifunga kuti Josefa akafa uye akavigwa muchivande.
Tete ava vanoti Joseph akanga ari kuita Form 2 apo akabva angonyangarika zvekusaonekwa neveruzhinji.
“Aienda kuchikoro nemwanakomana wangu makore adarika ndokuzoremara zvinokatyamadza. Kubva ipapo zvichienda mberi, akachengetwa ari mumba. Akabva amira kutaura. Akanga asingabvumirwi kuva nevashanyi kana vanomutandadza pachivanze.
“Kwemakore akawanda, ndaibvunza muzukuru wangu nezveJoseph. Ndakaudzwa kuti Joseph akanga ava kugara kuHarare, asi ndakazofungawo kuti zvimwe akafa akavigwa muchivande.
“Ini chaiye ndini ndakanyevera Mambo Saurombe nezvenyaya iyi nekuti mumwe wevanasikana vaNamatai akandipomera kuti ndinoroya mukoma wake,” vanodaro Mai Mukocheya Nemaramba.
Paakanunurwa kubva muhunhapwa hwababa vake, Joseph akaendeswa kuchipatara cheBiriiri Mission Hospital asati aendeswa kuMutambara Mission Hospital uko ari kubatsirwa nemitambo yekusimbisa muviri uye kupangwa mazano.
Chimiro chaJoseph chakavandudzika kubvira apa uye pari zvino ari kutaura navanachiremba nekudzidzira kufamba.
“Ndichiri kurwadziwa muchipfuva, asi iye zvino ndava kunzwa zviri nani. Ndava kudzidzira kufamba ndiri muwadhi yePhysiotherapy,” anodaro achinyemwerera.
Muhurukuro, Mambo Saurombe – VaRaymond Saurombe – vanoti vakanunura Joseph mushure mekunyeverwa vari panhepfenyuro yeChimanimani FM.
Mushure mechirongwa cheparedhiyo ichi, vakabatana nevamwe vagari vemusha ndokuenda kumhuri yekwaNemaramba, iyo iri mudunhu raMambo Mutambara, ndokukumbira kuona Joseph.
“Patakaedza kuvhura musuwo wekamuri rakanga rakakiirwa Joseph, takanzwa kuchema kwake nokuridza mhere. Izvi zvakaitika mushure mekunge baba vake nevanin’ina vake varamba zvakasimba kuti Joseph aive akavharirwa mune imwe imba.
“Takavatyisidzira kuti tichapaza gonhi ndipo pavakanokiinura. Takashamiswa nemamiriro ezvinhu aityisa aaigara ari. Joseph akanga asina zvokudya zvakakwana uye aine tsvina. Aive nemaronda nemavanga muviri wese,” vanodaro Mambo Saurombe.
Namatai akazoshevedzwa kudare raMambo Saurombe uko akanoreurura kuti akachengeta mwana wake senhapwa kwemakore maviri.
Anonzi akabvuma zvekare kuti ndiye akakonzeresa hurwere hwemwana wake.
Namatai anonzi akaudza dare kuti aifunga kuti kuramba akamupfigirwa uye kumurambidza kubuda kunze zvaizowedzera simba rake rekunamata uye kukwezva vanhu vakawanda kuchechi.
Akazopa zvinhu zvake zvekuchechi kudare iri izvo zvaisanganisira mabhande eshinda uye anonzi akataura kuti aizvishandisa kuita mhiko dzakaremadza nekurwarisa Josefa.
Asi Namatai akazoshandura mashoko ake ave kuti akareurura nekumanikidzwa.
Mambo Saurombe vanoti chiitiko ichi chakashata chinofanirwa kushorwa nemapoka ose munharaunda.
“Hapana mwana anofanirwa kushungurudzwa nenzira yakadai, zvikuru sei nevabereki vake, kunyanya anozviti munhu waMwari.
‘‘Akabvuma mhosva dzake uye nemusi weSvondo tiri kubatana nemagodobori kuti vaende kumusha kwake kunotora mimwe midziyo yake yebasa rehurombwa iri,” vanodaro Mambo Saurombe.
Sabhuku Stephany Nemaramba vanova mukoma waNamatai, vanoti vaifunga kuti Joseph akafa kana kuti aigara nevanin’ina vake muHarare.
Vanoti semhuri havasati vanzwisisa mabatiro aiita Namatai mwana wake.
“Kwemakore akawanda, patakabvunza vamwe vafundisi vechechi kuti sei vasiri kuita minamato yaJoseph, vaiti vakanga vasingazive nezvenyaya iyi. Izvi zvakadaro kunyangwe paine minamato isingaperi pamba apa.
‘‘Imba yakavharirwa Joseph yaigara yakakiiwa,” vanodaro Sabhuku Nemaramba.
Vechechi yeZSCC vakaratidzawo kushamiswa nemwoyo wakaoma sedombo wabhishopu wavo uye vakapa rutsigiro pamwe neminyengetero yekuti Joseph apore.
Mumwe mufundisi, VaEdwin Mukuche, vanoti zvinoshamisa kuti mutungamiri wavo akavharira Joseph mumba kwemakore maviri.
“Joseph ari kupora uye angadai akaita zviri nani kudai akawana rubatsiro rwekurapwa nekukasika. Zvinorwadza kuziva kuti munhu watairemekedza uye kutora sababa vedu vemweya anoshungurudza mwana wake zvakadai.
“Haakodzeri kuve mutungamiri uye anofanira kusiya chigaro chabhishopu. Zviri pachena kuti aishandisa mwanakomana wake kuita mhiko dzekuti vanhu vakawanda vauye kuchechi. Tinonzwa setakabirirwa uye tarasiswa,” vanodaro VaMukuche.
Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa ayo akazoendesa Joseph kuchipatara cheMutambara Mission Hospital.
Zvisinei, Namatai haasati asungwa.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Norbert Muzondo, vanoti nyaya iyi haisati yasvitswa kumahofisi avo.
Kutongwa kwenyaya iyi kuchaenderera mberi munguva pfupi iri kutevera mudare raMambo Saurombe.