Boka yosimudzira kurimwa kweChia

17 Apr, 2019 - 14:04 0 Views
Boka yosimudzira kurimwa kweChia VaAlex Vhokoto vachitaridza chirimwa cheChia. - Mufananidzo naEdward Zvemisha

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KAMBANI yeBoka Tobacco Auction Floors (BTF) yosimudzira kurimwa kwechirimwa chitsva cheChia kumativi mana enyika yakabatana neChia Growers Zimbabwe Private (Limited).

VaAlex Vhokoto vanoona nezvekurimwa kweChia kuBoka vanoti vari kutenderera nyika yose vachipa varimi mbeu nedzidziso yekuti inorimwa sei.

“Tave nevarimi vanodarika zviuru zvitatu munyika yose vari kutaridza kuzvipira munyaya dzekurima Chia avo takatopa mbeu yechirimwa ichi uyewo nekupa dzidziso yemarimirwo acho. Chirimwa chisinganetse kurima kana tichienzanisa nezvimwe,” vanodaro VaVhokoto.

Vanoti vashanyira matunhu anosanganisira Mashonaland Central, Mashonaland East, Mashonaland West neManicaland nekumwewo vachiparidza kunaka kwakaita chirimwa ichi.

“Svondo rakapera chairo, taiva kuGuruve kuMashonaland Central uko tiine varimi vakawanda vari kuratidza kufarira kurima Chia. Mumwedzi wakapera, taiva kwaRusape uko zvakare varimi vakafadzwa zvikuru nechirimwa ichi.

“Gore rino ra2019 kusvika 2020 makore akakosha zvikuru muchirongwa chekurima chirimwa ichi apo tinoda kutaridza varimi vedu kuti chinopa mari kudarika zvimwe zvirimwa,” vanodaro.

Chirimwa ichi chinodyiwa kubvira kumashizha acho ari matete achiitwa muriwo uyewo nemhodzi dzacho idzo dzinonzi dzinogadzira kudya kwakasiyana nemishonga inorapa.

“Mashizha echirimwa ichi anogadzira masamba akanaka zvikuru anoiswa musvutugadzike ayo anonzi anorapa zvakare. Mhodzi dzacho dzakakosha zvikuru dzinogadziriswa kudya kwakasiyana kunosanganisira supu yemumuriwo, inoiswawo muchingwa nemumabhanzi. Inonzi inogadziriswawo mayoghurt, zvinwiwa uye ichiiswawo mumazai nekumwe kudya kunonzi kune ruwomba rwemhando yepamusoro,” vanodaro VaVhokoto.

Chia inonzi inogadziriswawo bota remhando yepamusoro iro rinofarirwa zvikuru kune dzimwe nyika.

Mbeu yechirimwa ichi iri kuwaniswa kuvarimi nekambani yeBoka yakabatana neChia Growers Zimbabwe.

Varimi vari kupinda mukurima Chia vanonzi kwekutengesera harisi dambudziko sezvo vachinotengesera kwakare kuBoka.

“Mbeu yeChia haidi kudzikiswa pasi zvikuru kana kuwandirwa nevhu inotadza kumera, inoda kudyarwa paivhu rakanyorova kare mvura ichida kunaya,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mbeu iyi inotora mazuva mashanu kuti imere uyewo inoda mvura inokwanirana kwete yakawandisa inojenga, yosakurwa zvakanaka apo inozotanga kurakidza maruva mumasvondo mashanu kusvika kumasvondo manomwe uye inotarisirwa kureba mamita 1,5.”

Pakukohwa, vanodaro VaVhokoto, varimi vanocheka dzinde rose rechirimwa ichi vounganidza apo chinooma vozopura mhodzi dzacho vachiurutsa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey