‘Booster’ ratanga kubaiwa muZim

30 Dec, 2021 - 16:12 0 Views
‘Booster’ ratanga  kubaiwa muZim

Kwayedza

Nqobile Tshili

ZIMBABWE yakatanga kubaya nhomba yechitatu (booster shots) yekudzivirira chirwere cheCovid-19 kuvashandi vepamberi avo vakabaiwa majekiseni aya mwedzi mitanhatu yadarika nechinangwa chekusimbisa dziviriro yavo kubva kudenda iri.

Kubaiwa kwemajekiseni echitatu aya kuri kuuya panguva iyo huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi uye nevari kufa huri kukwira munyika muno.

Nemusi weChipiri, vanhu 32 vakafa neCovid-19 apo vamwe 2 099 vakawanikwa vaine denda iri mushure mekuvhenekwa.

Zuva rakatevera racho, vanhu 27 vakafa zvakare nechirwere ichi apo 3 953 vakabatwa nedenda irori.

Nguva pfupi yadarika, mutungamiri wenyika President Mnangagwa vakazivisa kuti Zimbabwe ine mushonga wenhomba unokwanirana nevose vanoda kubaiwa, kusanganisira vanoda kubaiwa wekututsira kechitatu.

Zimbabwe ine chinangwa chekubaya chikamu che60 percent kana kuti vanhu vanosvika 10 miriyoni pavanhu vose vari munyika muno kuti inge yakadzivirirwa kubva kuchirwere ichi.

Kusvika pari zvino vanhu 4,1 miriyoni vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) apo vamwe 3,1 miriyoni vabaiwa ose ari maviri, rekutanga nerechipiri (2nd dose).

Mukuru wezveutano kuBulawayo, Dr Maphios Siamuchembu, avo vanove Provincial Medical Director (PMD), vanoti dunhu ravo rakatanga kubaya nhomba yechitatu iyi svondo rapera.

“Apo munyori mukuru (mubazi rezveutano nekurerwa kwevana) vakapasisa zvinofanirwa kutevedzwa (Standard Operating Procedures) takabva tatotanga kubaya majekiseni aya svondo rapera. Zvisinei, hatisati tave kunyanya kusimbirira kubaya majekiseni ekututsira aya nekuti tichiri kure nekusvitsa huwandu hwevanhu vanodiwa kuti tinge takadzivirirwa kudenda iri,” vanodaro.

Dr Siamuchembu vanoti mhando yenhomba yakabaiwa munhu pakutanga nepechipiri ndiyo imwe chete yaanobaiwa kechitatu.

“Vashandi vepamberi vakabaiwa nhomba zvakazara mwedzi mitanhatu yadarika ndivo vanokodzera kunge vachibaiwa. Vari kubaiwa mhando imwe chete yenhomba yavakabaiwa pakutanga nepechipiri,” vanodaro Dr Siamuchembu.

Izvi zvinoreva kuti vakabaiwa mhando yeSinovac vaccine pakutanga nepechipiri, vachabaiwa mushonga uyu zvakare kechitatu uye ndizvo zvimwe chete neSinopharm.

Sangano reMedicines Control Authority of Zimbabwe (MCAZ) rakabvumidza kushandiswa kwemushonga weSinopharm neSinovac kubva kunyika yeChina, Covaxin kubva kuIndia uye neSputnik V yekuRussia.

Dr Siamuchembu vanokurudzira vose vasati vabaiwa nhomba kuti vabaiwe nechinangwa chekuti nyika ino inge yakadzivirirwa kubva kuchirwere ichi.

Vachitaura pamusoro pekubaiwa kwemajekiseni echitatu aya, mukuru wesangano reZimbabwe Medical Association (ZiMA), Dr Francis Chiwora, vanoti nhomba dzinoenda dzichiderera simba nekufamba kwenguva uye ichi ndicho chikonzero pachizobaiwa dzimwe dzekututsira.

“Kana ukabaiwa nhomba zvinoita kuti muviri ukwanise kurwisa zvirwere kusvika pane chimwe chidanho asi nekufamba kwenguva, kudziviririka uku kunoenda kuchiderera. Zvakafanana nemunhu anenge adya chikafu kana kunwa chinwiwa.

“Ngatitorei muenzaniso wedoro, kana munhu akanwa doro huwandu hwaro muropa hunoenda pane chimwe chidanho asi nekufamba kwenguva hunodzikira kusvikira pakupera. Kana ukabaiwa nhomba yekututsira, muviri wako unosimudzirwa panyaya yekudzivirira zvirwere,” vanodaro Dr Chiwora.

Share This:

Sponsored Links